Skip to content
BibleKenya

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017

Mapisarema 77

Kumutungamiri wokuimba. Kuna Jedhutuni. Pisarema raAsafi.

Ndakadanidzira kuna Mwari kuti andibatsire;

ndakadana kuna Mwari kuti andinzwe.

Pandakanga ndiri pakutambudzika, ndakatsvaka Ishe;

panguva yousiku ndakatambanudza maoko angu asinganeti,

uye mweya wangu wakaramba kunyaradzwa.

Haiwa Mwari, ndakakurangarirai, uye ndikagomera;

ndakafungisisa, mweya wangu ukaziya. Sera

Makakonesa meso angu kutsinzina;

ndakatambudzika zvokuti ndakatadza kutaura.

Ndakarangarira mazuva ekare,

makore ekare kare;

ndakarangarira nziyo dzangu panguva yousiku.

Mwoyo wangu wakafungisisa uye mweya wangu wakabvunza ukati,

“Ko, Ishe acharamba nokusingaperi here?

Haachazombonzwiri ngonizve here?

Ko, rudo rwake rusingaperi rwakabva nokusingaperi here?

Chipikirwa chake chakakona nokusingaperi here? Sera

Ko, Mwari akanganwa kuva nenyasha here?

Mukutsamwa kwake haachaitira tsiye dzake nyoro here?”

Ipapo ndakafunga ndikati, “Ndichakumbira hangu pane izvozvi:

makore oruoko rworudyi reWokumusoro-soro.”

Ndicharangarira mabasa aJehovha;

hongu, ndicharangarira zvishamiso zvenyu zvakare kare.

Ndichafungisisa pamusoro pamabasa enyu ose,

uye ndicharangarira mabasa enyu makuru.

Haiwa Mwari, nzira dzenyu itsvene.

Ndoupiko mwari mukuru saMwari wedu?

Muri Mwari anoita zvishamiso;

munoratidza simba renyu pakati pavanhu.

Noruoko rwenyu rune simba,

makadzikinura vanhu venyu, izvo zvizvarwa zvaJakobho naJosefa. Sera

Mvura zhinji yakakuonai, imi Mwari,

mvura zhinji yakakuonai ikatya;

kwakadzika chaiko kwakabvunda.

Makore akadurura mvura,

kumatenga kwakaunga nokutinhira;

miseve yenyu yakapenya kuno nokoko.

Kutinhira kwenyu kwakanzwika muchamupupuri,

kupenya kwenyu kwakavhenekera nyika;

nyika yakadedera ikadengenyeka.

Gwara renyu rakapinda nomugungwa,

nzira yenyu ikapinda nomumvura zhinji zhinji,

kunyange zvazvo tsoka dzenyu dzakanga dzisingaonekwi.

Makatungamirira vanhu venyu seboka ramakwai

noruoko rwaMozisi naAroni.

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017. Copyright © 2005, 2018 Biblica, Inc. Licensed under CC BY-SA 4.0. “Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Source: eBible.org. Typeset from the source files; no intended changes to scripture wording. BibleKenya is not endorsed by the rights holder.

Full source notice & licence · CC BY-SA 4.0 · SourceEdition imported 2026-10-25.

BibleKenya

Reader settings

Theme
Font
Alignment
Reading width

Saved in this browser and used offline too. Press ? for keyboard shortcuts.