Skip to content
BibleKenya

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017

Mapisarema 76

Kumutungamiri wokuimba nomutengeranwa une hungiso. Pisarema raAsafi. Rwiyo.

Mwari anozivikanwa muJudha;

zita rake iguru muIsraeri.

Tende rake riri muSaremu,

ugaro hwake paZioni.

Ndipo paakavhuna miseve inovaima,

nhoo neminondo, izvo zvombo zvokurwa. Sera

Imi makashongedzwa nechiedza,

kupfuura makomo akapfuma nemhuka.

Varume vakashinga vakavata pasi vapambwa,

vakavata hope dzavo dzokupedzisira;

hakuna mumwe wavarwi

angasimudza maoko ake.

Pakutuka kwenyu, imi Mwari waJakobho,

zvose bhiza nengoro zvinovata zvakati mwiro.

Imi moga ndimi munofanira kutyiwa.

Mukatsamwa, ndianiko angamira pamberi penyu?

Muri kudenga makazivisa kutonga kwenyu,

uye nyika yakatya ikanyarara,

haiwa Mwari, pamakasimuka kuti mutonge,

kuti muponese vanonetswa vose venyika. Sera

Zvirokwazvo hasha dzenyu pamusoro pavanhu dzinokuvigirai kurumbidzwa,

uye vanosara pahasha dzenyu vachadziviswa.

Itai mhiko kuna Jehovha Mwari wenyu mugodzizadzisa;

nyika dzose dzakakupoteredzai

ngadzivigire zvipo kuna Iye anofanira kutyiwa.

Anoputsa mweya yavatongi;

anotyiwa namadzimambo enyika.

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017. Copyright © 2005, 2018 Biblica, Inc. Licensed under CC BY-SA 4.0. “Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Source: eBible.org. Typeset from the source files; no intended changes to scripture wording. BibleKenya is not endorsed by the rights holder.

Full source notice & licence · CC BY-SA 4.0 · SourceEdition imported 2026-10-25.

BibleKenya

Reader settings

Theme
Font
Alignment
Reading width

Saved in this browser and used offline too. Press ? for keyboard shortcuts.