Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017
Mapisarema 66
Kumutungamiri wokuimba. Rwiyo. Pisarema.
Danidzirai nomufaro kuna Mwari, imi nyika yose!
Imbirai mukurumbira wezita rake;
murumbidze zvikuru kukudzwa kwake!
Muti kuna Mwari, “Mabasa enyu anotyisa sei!
Simba renyu iguru zvokuti vavengi venyu
vanodedera pamberi penyu.
Nyika yose inokukotamirai;
vanokuimbirai nziyo dzokurumbidza,
vanoimba nziyo dzokurumbidza zita renyu.” Sera
Uyai muone zvaitwa naMwari,
mabasa ake anotyisa sei pakati pavanhu!
Akashandura gungwa rikava nyika yakaoma,
vakafamba nomumvura zhinji netsoka dzavo,
uyai, ngatifarei maari.
Anotonga nokusingaperi nesimba rake,
meso ake anocherechedza ndudzi,
vanomumukira ngavarege kumisidzana naye. Sera
Rumbidzai Mwari wedu, imi vanhu,
inzwi rokurumbidzwa kwake ngarinzwike;
iye akachengetedza upenyu hwedu
netsoka dzedu kuti dzirege kutedzemuka.
Nokuti imi, iyemi Mwari, makatiedza;
mukatinatsa sesirivha.
Makatipinza mutorongo
mukatitakudza mitoro pamisana yedu.
Makabvumira vanhu kukwira pamisoro yedu;
takapinda mumoto nomumvura,
asi makatiisa kunzvimbo ine zvakawanda.
Ndichauya nezvibayiro zvinopiswa kutemberi yenyu,
ndigozadzisa mhiko dzangu kwamuri,
mhiko dzandakavimbisa nemiromo yangu,
uye muromo wangu wakataura pandakanga ndiri munhamo.
Ndichakubayirai mhuka dzakakora
nechipiriso chamakondobwe;
ndichabayirawo hando nembudzi. Sera
Uyai munzwe, imi mose munotya Mwari;
ndikuudzei zvaakandiitira.
Ndakachema kwaari nomuromo wangu; rumbidzo yake yaiva parurimi rwangu.
Dai ndakanga ndaviga chivi mumwoyo mangu,
Ishe aidai asina kundinzwa;
asi zvirokwazvo Mwari akateerera
akanzwa inzwi rangu mumunyengetero.
Mwari ngaarumbidzwe,
iye asina kuramba munyengetero wangu.
Kana kudzivisa rudo rwake kwandiri!
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017. Copyright © 2005, 2018 Biblica, Inc. Licensed under CC BY-SA 4.0. “Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Source: eBible.org. Typeset from the source files; no intended changes to scripture wording. BibleKenya is not endorsed by the rights holder.
Full source notice & licence · CC BY-SA 4.0 · SourceEdition imported 2026-10-25.