Skip to content
BibleKenya

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017

Mapisarema 65

Kumutungamiri wokuimba. Pisarema raDhavhidhi. Rwiyo.

Kurumbidzwa kwakakumirirai, imi Mwari, muZioni;

kwamuri mhiko dzedu dzichazadziswa.

Haiwa, imi munonzwa munyengetero,

vanhu vose vachauya kwamuri.

Patakanga takafukidzwa nezvivi,

makakanganwira kudarika kwedu.

Vakaropafadzwa avo vamunosarudza

navamunoswededza pedyo kuti vagare pavanze dzenyu!

Takagutswa nezvinhu zvakanaka zveimba yenyu,

zvetemberi yenyu tsvene.

Munotipindura namabasa okururama anotyisa,

imi Mwari Muponesi wedu,

tariro yemigumo yepasi pose

namakungwa ari kure kure,

iyemi makaumba makomo nesimba renyu,

makazvishongedza nesimba,

iyemi makanyaradza kutinhira kwamakungwa,

iko kutinhira kwamafungu aro,

nokupopota kwendudzi.

Vanogara kure kure vanotya zvishamiso zvenyu;

uko kunobuda mambakwedza uye madekwana achipera,

munodanidzira nziyo dzomufaro.

Mune hanya nenyika uye munoidiridza;

munoipfumisa kwazvo.

Hova dzaMwari dzizere nemvura

kuti dzivigire vanhu zviyo,

nokuti saizvozvo ndimi makazvirayira.

Munozadza mihoronga yacho nemvura,

uye munoenzanisa mihomba yacho;

munoinyorovesa nemvura inopfunha

munoropafadza zvibereko zvayo.

Munoshongedza gore nekorona yezvakawanda zvenyu,

uye ngoro dzenyu dzinopfachukira nezvakawanda.

Uswa hwomurenje hwopfachukira;

zvikomo zvakafukidzwa nomufaro.

Mafuro azara namapoka emakwai,

uye mipata yafukidzwa nezviyo;

zvinodanidzira nomufaro uye zvinoimba.

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017. Copyright © 2005, 2018 Biblica, Inc. Licensed under CC BY-SA 4.0. “Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Source: eBible.org. Typeset from the source files; no intended changes to scripture wording. BibleKenya is not endorsed by the rights holder.

Full source notice & licence · CC BY-SA 4.0 · SourceEdition imported 2026-10-25.

BibleKenya

Reader settings

Theme
Font
Alignment
Reading width

Saved in this browser and used offline too. Press ? for keyboard shortcuts.