Skip to content
BibleKenya

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017

Mapisarema 30

Pisarema. Rwiyo rwokukumikidza temberi. Pisarema raDhavhidhi.

Ndichakukudzai imi Jehovha,

nokuti makandisimudza kubva pakadzika,

uye hamuna kutendera vavengi vangu kuti vafare pamusoro pangu.

Haiwa Jehovha Mwari wangu, ndakachemera rubatsiro kwamuri

uye mukandiporesa.

Haiwa Jehovha, makandibudisa muguva;

mukandirwira kuti ndirege kupinda mugomba.

Imbirai Jehovha, imi vatsvene vake;

rumbidzai zita rake dzvene.

Nokuti kutsamwa kwake ndokwenguva duku,

asi nyasha dzake ndedzoupenyu hwose;

kuchema kungangovapo usiku.

Asi mufaro unouya mangwanani.

Pandakanzwa kugadzikana, ndakati,

“Handingatongozungunuswi.”

Haiwa Jehovha, pamakandinzwira tsitsi,

makaita kuti gomo rangu rimire rakasimba;

asi pamakavanza chiso chenyu,

ini ndakavhunduka.

Ndakadana kwamuri, imi Jehovha;

ndakachemera nyasha kuna Jehovha ndichiti,

“Chiiko chinowanikwa pakuparadzwa kwangu,

napakupinda kwangu mugomba?

Ko, guruva richakurumbidzai here?

Richaparidza kutendeka kwenyu here?

Inzwai, imi Jehovha, mundinzwire ngoni;

imi Jehovha, ivai mubatsiri wangu.”

Imi makashandura kuungudza kwangu kukava kutamba;

makabvisa nguo dzangu dzamasaga mukandishongedza nomufaro,

kuti mwoyo wangu ukuimbirei ugorega kunyarara.

Haiwa Jehovha Mwari wangu, ndichakuvongai nokusingaperi.

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017. Copyright © 2005, 2018 Biblica, Inc. Licensed under CC BY-SA 4.0. “Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Source: eBible.org. Typeset from the source files; no intended changes to scripture wording. BibleKenya is not endorsed by the rights holder.

Full source notice & licence · CC BY-SA 4.0 · SourceEdition imported 2026-10-25.

BibleKenya

Reader settings

Theme
Font
Alignment
Reading width

Saved in this browser and used offline too. Press ? for keyboard shortcuts.