Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017
Mapisarema 29
Pisarema raDhavhidhi.
Ipai kuna Jehovha, imi mune simba
ipai kuna Jehovha rukudzo nesimba.
Ipai kuna Jehovha rukudzo rwakafanira zita rake;
namatai Jehovha mukubwinya kwoutsvene hwake.
Inzwi raJehovha riri pamusoro pemvura zhinji.
Mwari wokubwinya anotinhira,
Jehovha anotinhira ari pamusoro pemvura zhinji.
Inzwi raJehovha rine simba;
inzwi raJehovha rinokudzwa.
Inzwi raJehovha rinovhuna misidhari,
Jehovha anovhuna-vhuna misidhari yeRebhanoni.
Anoita kuti Rebhanoni ikwakuke semhuru,
neSirioni senzombe yenyati.
Inzwi raJehovha rinorova
nokuvaima kwemheni.
Inzwi raJehovha rinozungunusa gwenga;
Jehovha anozungunusa Gwenga reKadheshi.
Inzwi raJehovha rinomonyorora miouki
uye rinosvuura sango rigosara rati hwe-e.
Uye mutemberi yake zvose zvinodana zvichiti, “Kubwinya!”
Jehovha anogara pachigaro choushe chamafashamu emvura;
Jehovha anogara ari Mambo nokusingaperi.
Jehovha anopa simba kuvanhu vake;
Jehovha anoropafadza vanhu vake norugare.
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017. Copyright © 2005, 2018 Biblica, Inc. Licensed under CC BY-SA 4.0. “Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Source: eBible.org. Typeset from the source files; no intended changes to scripture wording. BibleKenya is not endorsed by the rights holder.
Full source notice & licence · CC BY-SA 4.0 · SourceEdition imported 2026-10-25.