Skip to content
BibleKenya

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017

Mapisarema 17

Munyengetero waDhavhidhi.

Inzwai, imi Jehovha, mukumbiro wangu wakarurama;

inzwai kuchema kwangu.

Rerekerai nzeve yenyu kumunyengetero wangu,

usingabvi pamiromo inonyengera.

Kururamiswa kwangu ngakubve kwamuri;

meso enyu ngaaone zvakarurama.

Kunyange mukaedza mwoyo wangu uye mukandiongorora usiku,

kunyange mukandiedza, hamungawani chinhu;

ndakazvisunga kuti muromo wangu urege kutadza.

Kana ari mabasa avanhu,

neshoko remiromo yenyu,

ndakanzvenga nzira

dzouyo anoita nechisimba.

Nhambwe dzangu dzakarambira panzira dzenyu;

tsoka dzangu hadzina kutedzemuka.

Haiwa Mwari, ndinodana kwamuri, nokuti muchandipindura;

rerekerai nzeve yenyu kwandiri, munzwe munyengetero wangu.

Ratidzai kushamisa kworudo rwenyu rukuru,

imi munoponesa noruoko rwenyu rworudyi,

avo vanovanda vavengi vavo mamuri.

Ndichengetei semboni yeziso renyu;

ndivanzei pasi pomumvuri wamapapiro enyu,

kubva kuno wakaipa anondirwisa,

kubva kuvavengi vangu, vanoda kundiuraya, vakandikomberedza.

Vanodzivira mwoyo yavo yakavangarara,

uye miromo yavo inotaura nokuzvikudza.

Vakandironda, zvino vandikomba,

vanocherechedza nameso avo kuti vandiwisire pasi.

Vakaita seshumba ine nzara yechokudya,

seshumba huru yakavandira pakavanda.

Haiwa, Jehovha, simukai, mirai pamberi pavo,

vawisirei pasi; ndirwirei nomunondo wenyu pano wakaipa.

Haiwa, Jehovha, ndiponesei noruoko rwenyu kubva kuvanhu vakadai,

kubva kuvanhu venyika ino vano mubayiro uri muupenyu huno.

Munopedza nzara yaavo vamunoda;

vanakomana vavo vane zvakawanda,

uye vanounganidzira vana vavo pfuma.

Zvino ini mukururama, ndichaona chiso chenyu;

pandinomuka, ndichagutswa nokuona mufananidzo wenyu.

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017. Copyright © 2005, 2018 Biblica, Inc. Licensed under CC BY-SA 4.0. “Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Source: eBible.org. Typeset from the source files; no intended changes to scripture wording. BibleKenya is not endorsed by the rights holder.

Full source notice & licence · CC BY-SA 4.0 · SourceEdition imported 2026-10-25.

BibleKenya

Reader settings

Theme
Font
Alignment
Reading width

Saved in this browser and used offline too. Press ? for keyboard shortcuts.