Skip to content
BibleKenya

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017

Mapisarema 16

Mikitami raDhavhidhi.

Ndichengetedzei, imi Mwari,

nokuti ndinovanda mamuri.

Ndakati kuna Jehovha, “Ndimi Ishe wangu;

kunze kwenyu handina chinhu chakanaka.”

Kana vari vatsvene vari panyika,

ndivo vakaisvonaka vandinofarira chose.

Kuchema kuchawedzerwa,

kwaavo vanomhanyira vamwe vamwari.

Handichazodiri zvipiriso zvavo zveropa

zvinodururwa kana kuisa mazita avo pamiromo yangu.

Jehovha, makandigovera mugove wangu nomukombe wangu;

mukaita kuti mugove wangu uchengetedzeke.

Ndakayererwa miganhu panzvimbo yakanaka;

zvirokwazvo ndine nhaka inofadza.

Ndicharumbidza Jehovha, anondipa zano;

kunyange usiku mwoyo wangu unondirayira.

Ndakaisa Jehovha pamberi pangu nguva dzose.

Nokuti ari kurudyi rwangu,

handingatongozungunuswi.

Naizvozvo mwoyo wangu unofara uye rurimi rwangu runopururudza;

muviri wanguwo uchazorora zvakanaka,

nokuti imi hamuzondisiyi muguva,

kana kurega Mutsvene wenyu achiona kuora.

Makandizivisa nzira youpenyu;

muchandizadza nomufaro uri pamberi penyu,

nezvinofadza zvisingaperi muruoko rwenyu rworudyi.

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017. Copyright © 2005, 2018 Biblica, Inc. Licensed under CC BY-SA 4.0. “Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Source: eBible.org. Typeset from the source files; no intended changes to scripture wording. BibleKenya is not endorsed by the rights holder.

Full source notice & licence · CC BY-SA 4.0 · SourceEdition imported 2026-10-25.

BibleKenya

Reader settings

Theme
Font
Alignment
Reading width

Saved in this browser and used offline too. Press ? for keyboard shortcuts.