Skip to content
BibleKenya

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017

Mapisarema 136

Vongai Jehovha, nokuti akanaka:

Nokuti rudo rwake runogara nokusingaperi.

Vongai Mwari wavamwari:

Nokuti rudo rwake runogara nokusingaperi.

Vongai Ishe wamadzishe:

Nokuti rudo rwake runogara nokusingaperi.

iye oga anoita zvishamiso zvikuru,

Nokuti rudo rwake runogara nokusingaperi.

iye akaita matenga nokunzwisisa kwake,

Nokuti rudo rwake runogara nokusingaperi.

iye akatambanudza nyika pamusoro pemvura zhinji,

Nokuti rudo rwake runogara nokusingaperi.

iye akaita zviedza zvikuru,

Nokuti rudo rwake runogara nokusingaperi.

zuva kuti ribate ushe masikati,

Nokuti rudo rwake runogara nokusingaperi.

mwedzi nenyeredzi kuti zvibate ushe usiku;

Nokuti rudo rwake runogara nokusingaperi.

iye akarova matangwe eIjipiti,

Nokuti rudo rwake runogara nokusingaperi.

uye akabudisa Israeri kubva pakati pavo,

Nokuti rudo rwake runogara nokusingaperi.

noruoko rune simba uye noruoko rwakatambanudzwa,

Nokuti rudo rwake runogara nokusingaperi.

iye akaparadzanisa Gungwa Dzvuku napakati,

Nokuti rudo rwake runogara nokusingaperi.

uye akayambutsa Israeri napakati paro,

Nokuti rudo rwake runogara nokusingaperi.

asi akakukura Faro nehondo yake muGungwa Dzvuku;

Nokuti rudo rwake runogara nokusingaperi.

iye akatungamirira vanhu vake nomugwenga,

Nokuti rudo rwake runogara nokusingaperi.

akarova madzimambo makuru,

Nokuti rudo rwake runogara nokusingaperi.

uye akauraya madzimambo ane simba,

Nokuti rudo rwake runogara nokusingaperi.

Sihoni mambo wavaAmori,

Nokuti rudo rwake runogara nokusingaperi.

naOgi mambo weBhashani,

Nokuti rudo rwake runogara nokusingaperi.

akavapa nyika yavo senhaka,

Nokuti rudo rwake runogara nokusingaperi.

nhaka kumuranda wake Israeri.

Nokuti rudo rwake runogara nokusingaperi.

Iye akatirangarira pakudzikisirwa kwedu,

Nokuti rudo rwake runogara nokusingaperi.

uye akatisunungura kubva pavavengi vedu,

Nokuti rudo rwake runogara nokusingaperi.

uye anopa zvokudya kuzvisikwa zvose.

Nokuti rudo rwake runogara nokusingaperi.

Vongai Mwari wokudenga,

Nokuti rudo rwake runogara nokusingaperi.

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017. Copyright © 2005, 2018 Biblica, Inc. Licensed under CC BY-SA 4.0. “Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Source: eBible.org. Typeset from the source files; no intended changes to scripture wording. BibleKenya is not endorsed by the rights holder.

Full source notice & licence · CC BY-SA 4.0 · SourceEdition imported 2026-10-25.

BibleKenya

Reader settings

Theme
Font
Alignment
Reading width

Saved in this browser and used offline too. Press ? for keyboard shortcuts.