Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017
Mapisarema 135
Rumbidzai Jehovha.
Rumbidzai zita raJehovha;
murumbidzei, imi varanda vaJehovha,
imi munoshumira muimba yaJehovha,
muvanze dzeimba yaMwari wedu.
Rumbidzai Jehovha, nokuti Jehovha akanaka;
imbirai zita rake nziyo dzokurumbidza, nokuti ndizvo zvakanaka.
Nokuti Jehovha akasarudza Jakobho kuti ave wake,
naIsraeri kuti ave pfuma yake.
Ndinoziva kuti Jehovha mukuru,
uye kuti Ishe wedu mukuru kupfuura vamwari vose.
Jehovha anoita zvose zvinomufadza,
kudenga napasi,
nomumakungwa napakadzika pose.
Anoita kuti makore akwire kubva kumagumo enyika;
anotumira mheni nemvura,
uye anobudisa mhepo kubva mumatura ake.
Ndiye akaparadza matangwe eIjipiti,
matangwe avanhu neemhuka.
Akatumira zviratidzo nezvishamiso zvake mukati mako,
iwe Ijipiti, pamusoro paFaro navaranda vake vose.
Akaparadza ndudzi dzakawanda
uye akauraya madzimambo ane simba,
Sihoni mambo weAmori,
Ogi mambo weBhashani
namadzimambo ose eKenani,
akapa nyika yavo kuti ive nhaka,
nhaka yavanhu vake Israeri.
Haiwa Jehovha, zita renyu rinogara nokusingaperi,
mukurumbira wenyu, imi Jehovha, kuzvizvarwa zvose.
Nokuti Jehovha achapupurira vanhu vake
uye achava nenyasha pamusoro pavaranda vake.
Zvifananidzo zvendudzi isirivha negoridhe,
zvakaitwa namaoko avanhu.
Zvine miromo, asi hazvigoni kutaura,
zvina meso, asi hazvigoni kuona;
nenzeve, asi hazvigoni kunzwa,
uye hamuna kufema mumuromo mazvo.
Vaya vanozviita vachafanana nazvo,
saizvozvowo, naivo vanovimba nazvo.
Haiwa imi imba yaIsraeri, rumbidzai Jehovha;
haiwa imba yaAroni, rumbidzai Jehovha;
Haiwa imi imba yaRevhi, rumbidzai Jehovha;
imi vanomutya, rumbidzai Jehovha.
Jehovha ngaarumbidzwe kubva kuZioni,
iye agere muJerusarema.
Rumbidzai Jehovha.
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017. Copyright © 2005, 2018 Biblica, Inc. Licensed under CC BY-SA 4.0. “Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Source: eBible.org. Typeset from the source files; no intended changes to scripture wording. BibleKenya is not endorsed by the rights holder.
Full source notice & licence · CC BY-SA 4.0 · SourceEdition imported 2026-10-25.