Skip to content
BibleKenya

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017

Mapisarema 116

Ndinoda Jehovha, nokuti akanzwa inzwi rangu;

akandinzwira tsitsi pakuchema kwangu.

Nokuti akarerekera nzeve yake kwandiri,

ndichadana kwaari mazuva ose oupenyu hwangu.

Misungo yorufu yakandipinganidza,

kurwadza kweguva kwakauya pamusoro pangu;

ndakakundwa nenhamo nokusuwa.

Ipapo ndakadana kuzita raJehovha ndikati,

“Haiwa Jehovha, ndiponesei!”

Jehovha ane nyasha uye akarurama;

Mwari wedu azere netsitsi.

Jehovha anodzivirira vakatendeka pamwoyo;

pandakanga ndiri pakushayiwa kukuru, iye akandiponesa.

Haiwa mweya wangu, chizorora zvakare,

nokuti Jehovha akakuitira zvakanaka.

Nokuti imi, iyemi Jehovha, makarwira mweya wangu parufu,

meso angu pamisodzi,

uye makumbo angu pakugumburwa,

kuti ndifambe pamberi paJehovha

munyika yavapenyu.

Ndakatenda; naizvozvo ndakati,

“Ndiri kutambudzika kwazvo.”

Uye pakuvhunduka kwangu ndakati,

“Vanhu vose vanoreva nhema.”

Ndingaripira seiko Jehovha

pamusoro pokunaka kwake kwose kwandiri?

Ndichasimudza mukombe woruponeso

ndigodana kuzita raJehovha.

Ndichazadzisa mhiko dzangu kuna Jehovha,

pamberi pavanhu vake vose.

Chinhu chinokosha pamberi paJehovha

ndirwo rufu rwavatsvene vake.

Haiwa Jehovha, zvirokwazvo ndiri muranda wenyu;

ndiri muranda wenyu, mwanakomana womurandakadzi wenyu;

makandisunungura pangetani dzangu.

Ndichabayira chipo chokuvonga kwamuri,

uye ndichadana kuzita raJehovha.

Ndichazadzisa mhiko dzangu kuna Jehovha,

pamberi pavanhu vake vose,

pavanze dzeimba yaJehovha,

mukati mako, iwe Jerusarema.

Rumbidzai Jehovha.

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017. Copyright © 2005, 2018 Biblica, Inc. Licensed under CC BY-SA 4.0. “Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Source: eBible.org. Typeset from the source files; no intended changes to scripture wording. BibleKenya is not endorsed by the rights holder.

Full source notice & licence · CC BY-SA 4.0 · SourceEdition imported 2026-10-25.

BibleKenya

Reader settings

Theme
Font
Alignment
Reading width

Saved in this browser and used offline too. Press ? for keyboard shortcuts.