Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017
Mapisarema 115
Kwete kwatiri, Jehovha, kwete kwatiri,
asi kukudzwa ngakupiwe kuzita renyu,
nokuda kworudo rwenyu nokutendeka kwenyu.
Sei ndudzi dzichiti,
“Mwari wavo aripiko?”
Mwari wedu ari kudenga;
anoita zvose zvinomufadza.
Asi zvifananidzo zvavo isirivha negoridhe,
zvakaitwa namaoko avanhu.
Zvine miromo, asi hazvigoni kutaura,
zvina meso, asi hazvigoni kuona;
zvine nzeve, asi hazvigoni kunzwa mhino,
asi hazvigoni kunhuhwidza;
zvina maoko, asi hazvigoni kubata,
tsoka, asi hazvigoni kufamba;
uye hazvitauri napahuro pazvo.
Vanozviita vachafanana nazvo,
navose vanovimba nazvo.
Haiwa imba yaIsraeri, vimbai naJehovha,
ndiye mubatsiri wavo nenhoo yavo.
Imi imba yaAroni, vimbai naJehovha,
ndiye mubatsiri wavo nenhoo yavo.
Imi vanomutya, vimbai naJehovha,
ndiye mubatsiri wavo nenhoo yavo.
Jehovha anotirangarira uye achatiropafadza:
Acharopafadza imba yaIsraeri, acharopafadza imba yaAroni,
acharopafadza vanotya Jehovha,
vaduku navakuru zvakafanana.
Jehovha ngaakuwanzei,
mose iwe navana vako.
Jehovha ngaakuropafadze,
iye muiti wedenga napasi.
Kudenga denga kumusoro ndokwaJehovha,
asi nyika akaipa kuvanhu.
Vakafa havasivo vanorumbidza Jehovha,
avo vanoburukira kwakanyarara;
asi tisu tinokudza Jehovha,
kubva zvino kusvikira narini.
Rumbidzai Jehovha.
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017. Copyright © 2005, 2018 Biblica, Inc. Licensed under CC BY-SA 4.0. “Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Source: eBible.org. Typeset from the source files; no intended changes to scripture wording. BibleKenya is not endorsed by the rights holder.
Full source notice & licence · CC BY-SA 4.0 · SourceEdition imported 2026-10-25.