Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017
Mapisarema 113
Rumbidzai Jehovha.
Rumbidzai, imi varanda vaJehovha,
rumbidzai zita raJehovha.
Zita raJehovha ngarirumbidzwe,
kubva zvino kusvikira narini.
Kubva pakubuda kwezuva kusvikira pakuvira kwaro,
zita raJehovha rinofanira kurumbidzwa.
Jehovha anosimudzirwa pamusoro pendudzi dzose;
kubwinya kwake kuri pamusoro pamatenga.
Ndianiko akaita saJehovha Mwari wedu,
iye anogara pachigaro choushe chokumusoro-soro,
anokotamira pasi kuti aone
zviri kudenga napanyika?
Anosimudza murombo kubva muguruva,
uye anosimudza vanoshayiwa kubva padurunhuru ramadota;
anovagadza namachinda,
namachinda avanhu vavo.
Anogarisa mukadzi asingabereki mumba make,
samai vavana vanofara.
Rumbidzai Jehovha.
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017. Copyright © 2005, 2018 Biblica, Inc. Licensed under CC BY-SA 4.0. “Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Source: eBible.org. Typeset from the source files; no intended changes to scripture wording. BibleKenya is not endorsed by the rights holder.
Full source notice & licence · CC BY-SA 4.0 · SourceEdition imported 2026-10-25.