Skip to content
BibleKenya

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017

Mapisarema 112

Rumbidzai Jehovha.

Akaropafadzwa munhu anotya Jehovha,

anofarira mirayiro yake zvikuru.

Vana vake vachava nesimba panyika;

zvizvarwa zvavakarurama zvicharopafadzwa.

Pfuma nezvakawanda zviri mumba make,

uye kururama kwake kunogara nokusingaperi.

Kunyange murima akarurama anobudirwa nechiedza,

iye munhu ane nyasha nengoni uye akarurama.

Zvakanaka zvinouya kumunhu anopa zvizhinji

uye anokweretesa pachena, anofambisa nzira dzake nokururamisira.

Zvirokwazvo, haangatongozungunuswi;

munhu akarurama acharangarirwa nokusingaperi.

Haangatyi mashoko akaipa;

mwoyo wake wakasimba, anovimba naJehovha.

Mwoyo wake wakachengetedzeka, haangatyi chinhu;

pakupedzisira achatarira nokukunda kuvavengi vake.

Akaparadzira zvipo zvake kuvarombo,

kururama kwake kunogara nokusingaperi;

runyanga rwake ruchasimudzwa mudenga mukukudzwa.

Akaipa achazviona uye acharwadziwa,

acharumanya meno ake uye achaonda;

kushuva kwowakaipa kuchava pasina.

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017. Copyright © 2005, 2018 Biblica, Inc. Licensed under CC BY-SA 4.0. “Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Source: eBible.org. Typeset from the source files; no intended changes to scripture wording. BibleKenya is not endorsed by the rights holder.

Full source notice & licence · CC BY-SA 4.0 · SourceEdition imported 2026-10-25.

BibleKenya

Reader settings

Theme
Font
Alignment
Reading width

Saved in this browser and used offline too. Press ? for keyboard shortcuts.