Skip to content
BibleKenya

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017

Jobho 19

Jobho

Ipapo Jobho akapindura akati:

“Mucharamba muchinditambudza

uye muchindipwanya namashoko kusvikira riniko?

Zvino kava kagumi kose muchingonditsoropodza;

munondirwisa musina nenyadzi dzose.

Kana chiri chokwadi kuti ndakatsauka,

kukanganisa kwangu kuchava dambudziko rangu ndoga.

Kana zvechokwadi mungada henyu kuzvikudza pamusoro pangu

mukashandisa kuderedzwa kwangu pakundirwisa,

zvino muzive imi kuti Mwari akandikanganisira

uye akandikomberedza nomumbure wake.

“Kunyange ndikachema ndichiti, ‘Ndakakanganisirwa we-e!’ handiwani mhinduro;

kunyange ndikadanidzira kuti ndibatsirwe, kururamisirwa hakupo.

Akadzivira nzira yangu kuti ndikonewe kupfuura;

akaisa rima munzira dzangu.

Akandibvisira kukudzwa kwangu,

uye akabvisa korona mumusoro mangu.

Anondibvamburanya kumativi ose kusvikira ndapera;

anodzura tariro yangu kunge muti,

Kutsamwa kwake kunopfuta pamusoro pangu;

anondiverenga pakati pavavengi vake.

Mauto ake anouya nesimba;

anovaka muchinjiziri wokurwa neni,

anokomba tende rangu.

“Akaisa hama dzangu kure neni;

vazikani vangu vakaparadzaniswa neni zvachose.

Hama dzangu dzepedyo dzakaenda kure neni;

shamwari dzangu dzandikanganwa.

Vaenzi vangu navarandakadzi vangu vava kundiita mubvakure;

vanondiona somutorwa.

Ndinodana muranda wangu, asi haapinduri,

kunyange ndikamukumbirisa nomuromo wangu chaiwo.

Kufema kwangu kunonyangadza kumukadzi wangu;

ndinosemesa kuhama dzangu chaidzo.

Kunyange nezvikomana zviduku zvinondiseka;

pandinosvika vanondituka.

Shamwari dzangu dzepedyo dzinondisema;

vaya vandinoda vandishandukira.

Handisati ndichiri chinhu asi ndangova hangu ganda namapfupa;

ndangopunyuka napaburi retsono.

“Ndinzwirei urombo, shamwari dzangu,

ndinzwirei urombo nokuti ruoko rwaMwari rwandirova.

Seiko muchindidzingirira sezvinoita Mwari?

Ko, hamungaguti nenyama yangu here?

“Haiwa, dai mashoko angu ainyorwa hawo,

dai ainyorwa hawo mubhuku,

dai ainyorwa nechinyoreso chesimbi pamutobvu,

kana kuti ainyorwa padombo nokusingaperi!

Ndinoziva kuti mudzikinuri wangu mupenyu,

uye kuti pakupedzisira achamira pamusoro penyika.

Uye shure kwokunge ganda rangu raparara, kunyange zvakadaro ndichaona Mwari munyama yangu;

ini pachangu ndichamuona

nameso angu pachangu, iyeni kwete mumwe.

Haiwa, mwoyo wangu unopanga sei mukati mangu!

“Kana muchiti, ‘Haiwa tichamutambudza sei,

sezvo mudzi wenhamo uri maari,’

munofanira kutya munondo imi pachenyu,

nokuti hasha dzichauyisa kurangwa nomunondo,

ipapo muchaziva kuti pano kutongwa.”

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017. Copyright © 2005, 2018 Biblica, Inc. Licensed under CC BY-SA 4.0. “Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Source: eBible.org. Typeset from the source files; no intended changes to scripture wording. BibleKenya is not endorsed by the rights holder.

Full source notice & licence · CC BY-SA 4.0 · SourceEdition imported 2026-10-25.

BibleKenya

Reader settings

Theme
Font
Alignment
Reading width

Saved in this browser and used offline too. Press ? for keyboard shortcuts.