Skip to content
BibleKenya

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017

Jobho 18

Bhiridhadhi

Ipapo Bhiridhadhi muShuhi akapindura akati:

“Muchapedza kutaura uku riiniko?

Chimbonyatsofungai, ipapo tigotaurirana hedu.

Tinobatirweiko semombe

uye tichionekwa samapenzi pamberi penyu?

Iyewe unozvibvamburanya mukutsamwa kwako,

nyika ingasiyiwa nokuda kwako here?

Kana matombo angafanira kubviswa panzvimbo yawo here?

“Mwenje weakaipa unodzimwa;

murazvo womoto wake unopera kupisa.

Chiedza chiri mutende rake chinova rima;

mwenje uri parutivi pake unodzima.

Simba renhambwe dzake rinorukutika;

mano ake pachake anomuwisira pasi.

Tsoka dzake dzinomuwisira mumumbure,

uye anodzungaira ari mumaburi awo.

Musungo unomubata chitsitsinho;

rugombe runomubatisisa.

Chishwe chakavanzwa muvhu nokuda kwake;

musungo wakaradzikwa munzira yake.

Kutyisa kunomuvhundutsa kumativi ose,

uye kunomuteverera panhambwe dzake dzose.

Pfumvu inomudokwairira;

njodzi yakamugaririra paanowa.

Inodya zvikamu zveganda rake;

dangwe rorufu rinopedza mitezo yake.

Anodzurwa kubva patende raanovimba naro

agoendeswa kuna mambo anotyisa kwazvo.

Moto unogara mutende rake;

safuri inopisa inoparadzirwa pamusoro pougaro hwake.

Moto unogara mutende rake;

uye matavi ake anosvava kumusoro.

Kurangarirwa kwake kunopera panyika;

haana zita munyika.

Anobviswa pachiedza achiendeswa murima,

uye anodzingwa panyika.

Haana mwana kana chizvarwa chinotevera pakati pavanhu vokwake,

hakuna akasara kwaaimbogara.

Varume vokumavirira vakakatyamara namagumo ake;

varume vokumabvazuva vakabatwa nokutya kukuru.

Zvirokwazvo, ndizvo zvakaita ugaro hwomurume akaipa;

iyoyi ndiyo nzvimbo yomunhu asingazivi Mwari.”

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017. Copyright © 2005, 2018 Biblica, Inc. Licensed under CC BY-SA 4.0. “Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Source: eBible.org. Typeset from the source files; no intended changes to scripture wording. BibleKenya is not endorsed by the rights holder.

Full source notice & licence · CC BY-SA 4.0 · SourceEdition imported 2026-10-25.

BibleKenya

Reader settings

Theme
Font
Alignment
Reading width

Saved in this browser and used offline too. Press ? for keyboard shortcuts.