Skip to content
BibleKenya

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017

Jobho 16

Jobho

Ipapo Jobho akapindura akati:

“Ndakanzwa zvinhu zvakawanda sezvizvi;

mose muri vanyaradzi pasina!

Ko, kutaura kwenyu kwamadzokorora kwenguva refu hakuperiwo here?

Chii chinokurwadzai kuti murambe muchiita nharo?

Neniwo ndaigona kutaura semi,

dai imi manga muri pachinzvimbo changu;

ndaigona kutaura mashoko okukupikisai

uye ndigokudzungudzirai musoro wangu.

Asi muromo wangu waizokukurudzirai:

kunyaradza kunobva pamuromo wangu kwaizokuvigirai zororo.

“Asi kana ndikataura, kurwadziwa kwangu hakuperi;

uye kana ndikanyarara, iko hakubvi.

Zvirokwazvo, imi Mwari, mandipedza simba;

maparadza imba yangu yose.

Makandisunga ini, uye chava chapupu;

kuondoroka kunondiwira uye kunopupurira zvinondirwisa.

Mwari anondirova uye anondibvambura mukutsamwa kwake,

uye anondirumanyira meno ake;

mudzivisi wangu anondidzvokorera meso ake anobaya.

Vanhu vanoshamisa miromo yavo kuti vandiseke;

vanondirova padama pakundimhura kwavo,

uye vanobatana pamwe chete kuzondirwisa.

Mwari akandidzorera mumaoko avanhu vakaipa,

uye akandikanda mumaoko avakashata.

Zvose zvakanga zvakanaka hazvo kwandiri, asi iye akandivhuna;

akandibata napahuro akandipwanya-pwanya.

Akandivavarira;

vapfuri vake vemiseve vakandikomba.

Anobaya itsvo dzangu asina tsitsi,

uye anodururira nduru yangu pasi.

Nguva nenguva anondirwisa;

anondidzingirira somurwi.

“Ndakasona nguo dzamasaga kuti ndifukidze ganda rangu,

uye ndaviga huma yangu muguruva.

Chiso changu chatsvuka nokuchema,

rima guru rakomberedza meso angu;

asi zvazvo maoko angu haana kuita chisimba,

uye munyengetero wangu wakachena.

“Iwe nyika, rega kufukidza ropa rangu;

kuchema kwangu ngakurege kuwana zororo!

Kunyange iko zvino chapupu changu chiri kudenga;

murevereri wangu ari kumusoro.

Murevereri wangu ndiye shamwari yangu,

meso angu paanodurura misodzi kuna Mwari;

anomira pachinzvimbo chomunhu achikumbira kuna Mwari,

somunhu anokumbirira shamwari yake.

“Makore mashoma bedzi asara,

ndisati ndaenda parwendo rusingadzokwi.

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017. Copyright © 2005, 2018 Biblica, Inc. Licensed under CC BY-SA 4.0. “Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Source: eBible.org. Typeset from the source files; no intended changes to scripture wording. BibleKenya is not endorsed by the rights holder.

Full source notice & licence · CC BY-SA 4.0 · SourceEdition imported 2026-10-25.

BibleKenya

Reader settings

Theme
Font
Alignment
Reading width

Saved in this browser and used offline too. Press ? for keyboard shortcuts.