Skip to content
BibleKenya

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017

Jobho 15

Erifazi

Ipapo Erifazi muTemani akapindura akati:

“Ko, munhu akachenjera angapindura zvisina njere here,

kana kuzadza dumbu rake nemhepo inopisa yokumabvazuva?

Ko, angakakavara namashoko asina maturo,

kana namashoko asina basa here?

Asi unotorwisa umwari

uye unodzivisa kunamata Mwari.

Chivi chako chinorunzira muromo wako;

uye unotevera rurimi rwavanyengeri.

Muromo wako pachako ndiwo unokupa mhosva, kwete wangu,

miromo yako pachako inokupupurira zvakaipa.

“Ko, ndiwe munhu wakatanga kuzvarwa here?

Ko, iwe wakazvarwa makomo asati avapo here?

Unoteererawo here panokurukurwa mazano aMwari?

Unoti uchenjeri ndohwako woga kanhi?

Chiiko chaunoziva chatisingazivi isu?

Kunzwisisa kwaunako ndokweiko kwatisinawo isu?

Vane bvudzi rakachena navatana vakwegura vari kudivi redu,

varume vatochembera kupinda baba vako.

Ko, kunyaradza kwaMwari hakuna kukukwanira here,

iro shoko rakataurwa kwauri zvine unyoro?

Ko, mwoyo wako wakurasireiko,

uye meso ako anobwairireiko,

zvokuti unoitira Mwari hasha

ugobudisa mashoko akadai kubva mumuromo mako?

“Munhu chiiko, zvokuti angava akanaka,

kana munhu akazvarwa nomukadzi, kuti angava akarurama?

Kana Mwari akasavimba navatsvene vake,

kunyange dai matenga akasava akachena pamberi pake,

ko, kuzoti munhu, ane uori

uye akaora, anonwa zvakaipa semvura!

“Nditeerere ndigokutsanangurira;

rega ndikuudze zvandakaona,

zvakataurwa navanhu vakachenjera,

vasingavanzi chinhu chavakagamuchira kubva kumadzibaba avo,

ivo voga vakapiwa nyika

pasina mutorwa akapfuura napakati pavo:

Murume akaipa anotambudzika nokurwadziwa pamazuva ake ose,

makore ose outsinye akachengeterwa iye.

Maungira anotyisa anozadza nzeve dzake;

pazvinenge zvaita sezvakanaka, vapambi vanomurwisa.

Anorasikirwa netariro yokupunyuka parima;

munondo ndiwo waakatarirwa.

Anofamba-famba achiita sechokudya zvamagora;

anoziva kuti zuva rerima raswedera.

Kutambudzika nokurwadziwa zvinomuzadza nokutya;

zvinomukunda, samambo agadzirira kurwisa,

nokuti anokungira Mwari chibhakera chake

uye anozvikudza pamusoro paWamasimba Ose,

achimhanyira kwaari asingatyi

ane nhoo hobvu, yakasimba.

“Kunyange chiso chake chakafukidzwa namafuta

uye chiuno chake chakafuta nenyama,

iye achagara mumaguta akaparadzwa

nomudzimba dzisingagarwi nomunhu,

dzimba dzokoromoka kuva marara.

Haachazovazve mupfumi uye pfuma yake haingagari,

kana nepfuma yake haingazadzi nyika.

Haangapunyuki rima;

murazvo uchasvavisa mabukira ake,

uye kufema kwomuromo waMwari kuchamurasira kure.

Ngaarege kuzvinyengera nokuvimba nezvisina maturo,

nokuti haana chaachawana pazviri.

Acharipirwa zvakazara nguva yake isati yasvika,

uye matavi ake haangawandi.

Achafanana nomuzambiringa wabvisirwa mazambiringa asati aibva,

kufanana nomuti womuorivhi wodonhedza maruva awo.

Nokuti ungano yavasingadi Mwari ichashaya zvibereko,

uye moto uchaparadza matende avaya vanofarira fufuro.

Vanobata mimba yokutambudzika vagozvara zvakaipa;

dumbu ravo rinogadzira kunyengera.”

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017. Copyright © 2005, 2018 Biblica, Inc. Licensed under CC BY-SA 4.0. “Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Source: eBible.org. Typeset from the source files; no intended changes to scripture wording. BibleKenya is not endorsed by the rights holder.

Full source notice & licence · CC BY-SA 4.0 · SourceEdition imported 2026-10-25.

BibleKenya

Reader settings

Theme
Font
Alignment
Reading width

Saved in this browser and used offline too. Press ? for keyboard shortcuts.