Skip to content
BibleKenya

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017

Isaya 62

Zita idzva reZioni

Nokuda kweZioni handinganyarari,

nokuda kweJerusarema handingarambi ndinyerere,

kusvikira kururama kwake kwapenya samambakwedza,

noruponeso rwake somwenje unopfuta.

Ndudzi dzichaona kururama kwako,

uye madzimambo ose achaona kubwinya kwako;

iwe uchadaidzwa nezita idzva

richataurwa nomuromo waJehovha.

Uchava korona yokubwinya muruoko rwaJehovha,

ukomba hwoumambo muruoko rwaMwari wako.

Havachazokutizve Musiyiwa,

kana kutumidza nyika yako kuti Dongo.

Asi uchatumidzwa kuti Hefizibha

uye nyika yako ichanzi Bhiyura;

nokuti Jehovha achakufarira,

uye nyika yako icharoorwa.

Sejaya zvarinowana mhandara,

saizvozvo vanakomana vako vachakuwana;

sechikomba chinofarira mwenga,

saizvozvo Mwari wako achafara pamusoro pako.

Ndakagadza nharirire pamasvingo ako, iwe Jerusarema;

havangambonyarari masikati kana usiku.

Imi munodana kuna Jehovha,

musazorora,

uye musamupa zororo kusvikira asimbisa Jerusarema,

uye ariita rumbidzo yenyika.

Jehovha akapika noruoko rwake rworudyi,

noruoko rwake rune simba achiti,

“Handichazopizve zviyo zvenyu sezvokudya kuvavengi venyu,

uye vatorwa havachazonwizve waini itsva

yamakatamburira;

asi ivo vanokohwa ndivo vachadya

uye vacharumbidza Jehovha,

uyewo vaya vanounganidza mazimbiringa ndivo vachainwa

mumavazhe eimba yangu tsvene.”

Pfuurai, pfuurai napamasuo!

Gadzirirai vanhu nzira.

Vakai, vakai mugwagwa mukuru!

Bvisai mabwe.

Simudzirai ndudzi mureza.

Jehovha akaparidzira kumagumo enyika achiti, “Uti kuMwanasikana weZioni, ‘Tarira, Muponesi wako ouya! Tarira, mubayiro wake anawo, uye kuripira kwake kunomutevera.’ ”

Vachanzi Vanhu Vatsvene, Vakadzikinurwa vaJehovha; uye iwe uchanzi Mutsvakwa, iro Guta Risina Kuzova Dongo.

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017. Copyright © 2005, 2018 Biblica, Inc. Licensed under CC BY-SA 4.0. “Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Source: eBible.org. Typeset from the source files; no intended changes to scripture wording. BibleKenya is not endorsed by the rights holder.

Full source notice & licence · CC BY-SA 4.0 · SourceEdition imported 2026-10-25.

BibleKenya

Reader settings

Theme
Font
Alignment
Reading width

Saved in this browser and used offline too. Press ? for keyboard shortcuts.