Skip to content
BibleKenya

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017

Isaya 61

Gore reNyasha dzaJehovha

Mweya waIshe Jehovha uri pamusoro pangu,

nokuti Jehovha akandizodza

kuti ndiparidze vhangeri kuvarombo.

Akandituma kuti ndirape vane mwoyo yakaputsika,

kuti ndiparidze kusunungurwa kwavakatapwa,

nokubudiswa kwavasungwa kuti vabve murima,

kuti ndiparidze gore rengoni dzaJehovha

uye nezuva rokutsiva kwaMwari wedu,

kuti ndinyaradze vose vanochema,

uye ndiriritire avo vanochema muZioni,

kuti ndiise pamusoro pavo korona yorunako

pachinzvimbo chamadota,

mafuta omufaro

pachinzvimbo chokuchema,

uye nenguo yokurumbidza

pachinzvimbo chomweya wakarukutika.

Vachanzi miouki yokururama,

yakasimwa naJehovha

kuti aratidze kubwinya kwake.

Vachavakazve matongo akare

uye vachamutsazve nzvimbo dzakaparadzwa kare;

vachavandudza matongo amaguta

akaparadzwa kwezvizvarwa nezvizvarwa zvakapfuura.

Vatorwa vachafudza mapoka amakwai enyu;

vatorwa vachashanda muminda yenyu nomuminda yenyu yemizambiringa.

Ipapo imi muchanzi vaprista vaJehovha,

muchanzi vashumiri vaMwari.

Muchadya pfuma yendudzi,

uye muchazvirumbidza nepfuma yavo.

Pachinzvimbo chokunyadziswa kwavo

vanhu vangu vachagamuchira migove miviri,

uye pachinzvimbo chokunyadziswa vachafara munhaka yavo;

nokudaro vachagara nhaka yemigove miviri munyika yavo,

uye mufaro usingaperi uchava wavo.

“Nokuti ini, Jehovha, ndinoda kururamisira;

ndinovenga kupamba nezvakaipa.

Mukutendeka kwangu, ndichavapa mubayiro

uye ndichaita sungano isingaperi navo.

Zvizvarwa zvavo zvichazivikanwa pakati pendudzi

uye navana vavo pakati pamarudzi.

Vose vanovaona vachaziva

kuti vanhu vakaropafadzwa naJehovha.”

Ndinofara zvikuru muna Jehovha;

mweya wangu unofara muna Mwari.

Nokuti akandifukidza nenguo dzoruponeso,

uye akandishongedza nenguo yokururama,

sechikomba chinoshongedza musoro wacho somuprista,

uye somwenga anozvishongedza nezvishongo zvamatombo anokosha.

Nokuti ivhu sezvarinomeresa mbeu,

nebindu richiita kuti mbeu dzikure,

saizvozvo Ishe Jehovha achaita kuti kururama nerumbidzo

zvimere pamberi pendudzi dzose.

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017. Copyright © 2005, 2018 Biblica, Inc. Licensed under CC BY-SA 4.0. “Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Source: eBible.org. Typeset from the source files; no intended changes to scripture wording. BibleKenya is not endorsed by the rights holder.

Full source notice & licence · CC BY-SA 4.0 · SourceEdition imported 2026-10-25.

BibleKenya

Reader settings

Theme
Font
Alignment
Reading width

Saved in this browser and used offline too. Press ? for keyboard shortcuts.