Skip to content
BibleKenya

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017

Isaya 13

Chiprofita pamusoro peBhabhironi

Shoko rakaonekwa naIsaya mwanakomana waAmozi pamusoro peBhabhironi:

Simudzai mireza pamusoro pechikomo chisina miti,

danidzirai kwavari;

muninire kwavari

kuti vapinde pamasuo amakurukota.

Ndakarayira vatsvene vangu;

ndakadana varwi vangu kuti vazadzise kutsamwa kwangu,

avo vanofadzwa nokukunda kwangu.

Inzwai, kutinhira pamusoro pamakomo,

kwakafanana nokwavanhu vazhinji zhinji!

Inzwai, mheremhere pakati poumambo,

sendudzi dziri kuungana pamwe chete!

Jehovha Wamasimba Ose ari kugadzirira

mauto kundorwa.

Vanobva kunyika dziri kure,

kubva kumagumo amatenga,

Jehovha nezvombo zvokutsamwa kwake,

kuti aparadze nyika yose.

Ungudzai, nokuti zuva raJehovha rava pedyo;

richauya nokuparadza kunobva kuna Wamasimba Ose.

Naizvozvo maoko ose achashaya simba,

mwoyo mumwe nomumwe wavanhu uchanyungudika.

Kutya kuchavabata,

kurwadziwa nokugomera zvichavabata,

vachamonyoroka somukadzi ari kusununguka.

Vachatarisana vachishamisika mumwe nomumwe wavo,

zviso zvavo zvichipfuta.

Tarirai, zuva raJehovha riri kuuya,

zuva rakaipisisa, rine hasha nokutsamwa kunotyisa,

kuti nyika ive dongo

uye nokuzoparadza vatadzi vari mukati mayo.

Nyeredzi dzokudenga namapoka adzo

hadzizoratidzi chiedza chadzo.

Zuva rinobuda richasvibiswa

uye mwedzi hauzopi chiedza chawo.

Ndicharanga nyika nokuda kwokuipa kwayo,

navakaipa nokuda kwezvivi zvavo.

Ndichagumisa vanozvikudza pakudada kwavo,

uye ndichaderedza kuzvikudza kwavasina tsitsi.

Ndichaita kuti munhu ashayikwe kudarika goridhe,

ashayikwe kudarika kushayikwa kwegoridhe reOfiri.

Naizvozvo ndichabvundisa matenga;

uye nyika ichazungunuka kubva panzvimbo yayo,

nehasha dzaJehovha Wamasimba Ose,

pazuva rokutsamwa kwake kunopisa.

Semhara inovhimwa,

samakwai asina mufudzi,

mumwe nomumwe achadzokera kuvanhu vokwake,

mumwe nomumwe achatizira kunyika yake.

Mumwe nomumwe achabatwa achabayiwa,

vose vanobatwa vachaurayiwa nomunondo.

Vacheche vavo vacharoverwa pasi vagobvamburwa-bvamburwa vachizviona;

dzimba dzavo dzichapambwa uye vakadzi vavo vachachinyiwa.

Tarirai, ndichavamutsira vaMedhia

vasina hanya nesirivha,

uye vasingafariri goridhe.

Uta hwavo huchabaya majaya;

havazovi nengoni navacheche

kana kutarira vana netsitsi.

Zvino Bhabhironi rembiri paumambo,

kubwinya kwokuzvikudza kwavaBhabhironi,

richaparadzwa naMwari

kufanana neSodhomu neGomora.

Haringatongogarwizve navanhu

uye hakuna vachazogaramo kusvikira kuzvizvarwa zvose;

hapana muArabhu achadzika tende rake ikoko,

hakuna mufudzi achazorodza makwai ake ikoko.

Asi zvisikwa zvomugwenga ndizvo zvichagara ikoko,

makava achazadza dzimba dzavo;

mazizi achagara ikoko,

uye imomo ngururu dzichakwakuka-kwakuka.

Mapere achachema ari munhare dzavo,

makava mudzimba dzavo dzinoyevedza dzamadzimambo.

Nguva yake yaswedera,

uye mazuva aro haazowedzerwi.

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017. Copyright © 2005, 2018 Biblica, Inc. Licensed under CC BY-SA 4.0. “Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Source: eBible.org. Typeset from the source files; no intended changes to scripture wording. BibleKenya is not endorsed by the rights holder.

Full source notice & licence · CC BY-SA 4.0 · SourceEdition imported 2026-10-25.

BibleKenya

Reader settings

Theme
Font
Alignment
Reading width

Saved in this browser and used offline too. Press ? for keyboard shortcuts.