Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017
Isaya 12
Nziyo dzoKurumbidza
Pazuva iro muchati,
“Ndichakurumbidzai, imi Jehovha,
kunyange makanga makanditsamwira,
kutsamwa kwenyu kwakadzorwa
uye makandinyaradza.
Zvirokwazvo Mwari ndiye ruponeso rwangu;
ndichavimba naye uye handingatyi.
Jehovha, Jehovha ndiye simba rangu nerwiyo rwangu;
ava ruponeso rwangu.”
Nomufaro muchachera mvura
kubva mumatsime oruponeso.
Pazuva iro muchati,
“Vongai Jehovha, danai kuzita rake;
zivisai zvaakaita pakati pendudzi,
uye muparidze kuti zita rake risimudzirwe.
Imbirai Jehovha, nokuti akaita zvinhu zvinoshamisa;
izvi ngazvizivikanwe pasi pose.
Pururudzai uye muimbe nomufaro, imi vanhu veZioni,
nokuti Mutsvene waIsraeri mukuru pakati penyu.”
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017. Copyright © 2005, 2018 Biblica, Inc. Licensed under CC BY-SA 4.0. “Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Source: eBible.org. Typeset from the source files; no intended changes to scripture wording. BibleKenya is not endorsed by the rights holder.
Full source notice & licence · CC BY-SA 4.0 · SourceEdition imported 2026-10-25.