Skip to content
BibleKenya

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017

Habhakuki 2

Ndichandomira panzvimbo yangu yokurinda

ndichazviisa panzvimbo yakakwirira;

ndichatarisa ndione zvaachareva kwandiri

uye zvandingapindura pamusoro pokuchema uku.

Mhinduro yaJehovha

Ipapo Jehovha akapindura achiti:

“Nyora chiratidzo ichi,

uite kuti chionekwe kwazvo pamahwendefa

kuti anoverenga agoverenga achimhanya.

Nokuti chiratidzo ichi chakamirira nguva yakatarwa;

chinotaura nezvamagumo

uye hachingarevi nhema.

Kunyange dai chikanonoka, chimirire;

zvirokwazvo chichauya, hachizononoki.

“Tarira, ana manyawi;

zvido zvake hazvina kururama,

asi akarurama achararama nokutenda kwake.

Zvirokwazvo, waini inomupandukira;

anozvikudza uye haazombozorori.

Nokuti anokara sezvinoita guva

uye sorufu haaguti,

anozviunganidzira ndudzi dzose

uye anotapa marudzi ose avanhu.

Matambudziko aVakaipa

“Ko, vakatapwa vose havangazomuseki here nezvirahwe zvokumushora vachiti,

“ ‘Ane nhamo anozviunganidzira zvakabiwa

anozvipfumisa nepfuma yakapambwa!

Zvicharamba zvakadai kusvikira riniko?’

Ko, vamakakwereta havangazosimuki pakarepo here?

Havangazomuki vakakuvhundutsai here?

Ipapo ndimi muchava vakapambwa.

Nokuti makapamba ndudzi zhinji,

vakasara vachakupambai,

nokuda kweropa ravanhu ramakateura;

makaparadza nyika namaguta pamwe chete navageremo.

“Ane nhamo anovaka umambo hwake nepfuma yakabiwa,

achivaka dendere rake pakakwirira,

kuti anzvenge kuparadzwa!

Makarangana kuparadza ndudzi dzakawanda,

muchinyadzisa imba yenyu,

uye muchiparadza upenyu hwenyu.

Mabwe ari murusvingo achadanidzira,

ipapo matanda edenga remba achadairira namaungira.

“Ane nhamo anovaka guta nokudeura ropa

uye anosimbisa guta nezvakaipa.

Tarirai, hazvina kubva kuna Jehovha Wamasimba Ose here

kuti vanhu vanoshandira zvinoparadzwa nomoto,

uye kuti marudzi avanhu anongozvinetesa nezvisina maturo?

Nokuti nyika yose ichazadzwa nokuziva kubwinya kwaJehovha,

sezvakaita mvura kuzadza kwayakaita gungwa.

“Ane nhamo anopa vavakidzani vake zvinodhaka,

achizvidurura kubva mumatende ewaini kusvikira vadhakwa,

kuti aone kushama kwavo.

Muchazadzwa nenyadzi pachinzvimbo chokukudzwa.

Nhasi ndimiwo! Chinwai kuti mudzedzereke!

Mukombe unobva kuruoko rwaJehovha rworudyi uri kuuya kwamuri,

kunyadziswa kuchafukidza kukudzwa kwenyu.

Nokuti kuita nechisimba kwamakaitira Rebhanoni kuchakukundai,

uye kuparadza kwamakaita mhuka kuchakutyisai.

Nokuti makateura ropa ravanhu;

makaparadza nyika namaguta navose vakanga vageremo!

“Chifananidzo chakavezwa chinobatsireiko, zvachakangogadzirwa nomuvezi?

Kana chifananidzo chakaumbwa, chinodzidzisa nhema?

Nokuti uyo anochiita anovimba nechaakazviumbira;

anoita zvifananidzo zvisingagoni kutaura.

Ane nhamo anoti kudanda, ‘Rarama!’

Kana kubwe risingagoni kutaura, ‘Muka!’

Ko, zvingadzidzisa here?

Tarira, chakafukidzwa negoridhe nesirivha;

hachina mweya mukati macho napaduku.

Asi Jehovha ari mutemberi yake tsvene;

nyika yose ngairambe inyerere pamberi pake.”

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017. Copyright © 2005, 2018 Biblica, Inc. Licensed under CC BY-SA 4.0. “Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Source: eBible.org. Typeset from the source files; no intended changes to scripture wording. BibleKenya is not endorsed by the rights holder.

Full source notice & licence · CC BY-SA 4.0 · SourceEdition imported 2026-10-25.

BibleKenya

Reader settings

Theme
Font
Alignment
Reading width

Saved in this browser and used offline too. Press ? for keyboard shortcuts.