Skip to content
BibleKenya

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017

Habhakuki 1

Chirevo chakaratidzwa muprofita Habhakuki.

Kugununʼuna kwaHabhakuki

Haiwa Jehovha, ndicharamba ndichidanidzira, ndichitsvaka rubatsiro kusvikira riniko,

asi musingandinzwi?

Kana kudana kwamuri ndichiti, “Ndorwiswa!”

asi hamundiponesi?

Sei muchiita kuti ndione kusaruramisira?

Sei muchirega zvakaipa zvichingoitwa?

Kuparadza nokuita nechisimba zviri pamberi pangu;

pano kukakavara, uye kurwa kuri kuwanda.

Naizvozvo murayiro hauchisina simba,

uye kutonga kwakarurama hakuchaonekwi.

Vakaipa vanokomba vakarurama,

zvokuti kururamisira kunominamiswa.

Mhinduro yaJehovha

“Tarisa ndudzi dzavanhu, ucherechedze,

ugoshamiswa zvirokwazvo.

Nokuti ndichaita chimwe chinhu pamazuva ako

chawanga usingazobvumi, kunyange dai waichiudzwa.

Ndiri kumutsa vaBhabhironi

ruya rudzi rune utsinye, rune hasha,

runopararira pasi pose

kuti rubvute nzvimbo dzokugara dzisiri dzavo.

Vanhu vanotyisa uye vanovhundukwa;

vasina murayiro unovatonga

uye vanongozvitsvakira kukudzwa.

Mabhiza avo anomhanya kukunda ingwe,

anotyisa kukunda mhumhi mumadekwana.

Mauto avo amabhiza anomhanya asingadzoki;

vatasvi vamabhiza vanobva kure kure.

Vanobhururuka segora rinotsvaka kuparadza;

vanouya vose kuzoita zvechisimba.

Mapoka avo ehondo anouya semhepo inovhuvhuta mugwenga

vachiunganidza nhapwa sejecha.

Vanozvidza madzimambo

uye vanomhura vatongi.

Vanoseka maguta ose akasimbiswa;

vanovaka zvikomo zvevhu voatapa.

Ipapo vanopfuura semhepo, vanopfuura vasingamiri,

varume vane mhosva, simba ravo ndiye mwari wavo.”

Habhakuki anogununʼunazve

Haiwa Jehovha, ko hamugari nokusingaperi here?

Mwari wangu, mutsvene wangu, hatingatongofi.

Haiwa Jehovha, makavagadza kuti vatonge;

imi Dombo, makavagadza kuti varange.

Meso enyu akachena zvokuti haangatarisi zvakaipa;

hamungatenderi zvakaipa.

Sei zvino muchitendera vanyengeri?

Ko, munonyararirei kana vakaipa

vachimedza vanovapfuura mukururama?

Sei makaita kuti vanhu vave sehove dzegungwa,

sezvisikwa zvegungwa zvisina mutongi.

Muvengi anovaredza vose nezviredzo,

anovabata mumumbure wake,

achivakokorodza murutava rwake;

naizvozvo anopembera nomufaro.

Naizvozvo anopisira zvibayiro kumumbure wake,

uye anopisira zvinonhuhwira kumumbure wake,

nokuti anogarika nokuda kwomumbure wake,

anodya zvokudya zvakaisvonaka.

Ko, acharamba achingodurura zviri mumumbure wake,

achingoparadza ndudzi asina tsitsi here?

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017. Copyright © 2005, 2018 Biblica, Inc. Licensed under CC BY-SA 4.0. “Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Source: eBible.org. Typeset from the source files; no intended changes to scripture wording. BibleKenya is not endorsed by the rights holder.

Full source notice & licence · CC BY-SA 4.0 · SourceEdition imported 2026-10-25.

BibleKenya

Reader settings

Theme
Font
Alignment
Reading width

Saved in this browser and used offline too. Press ? for keyboard shortcuts.