Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017
Ekisodho 38
Aritari yeZvipiriso Zvinopiswa
Vakavaka aritari yezvipiriso zvinopiswa yamatanda omuunga, yakakwirira makubhiti matatu1; yakanga yakaenzana mativi ayo mana ina makubhiti mashanu2 pakureba uye namakubhiti mashanu paupamhi hwayo. Vakagadzira runyanga pamakona mana ose zvokuti nyanga nearitari zvakanga zvava chinhu chimwe chete, uye vakafukidza aritari nendarira. Vakaita midziyo yayo yose nendarira, hari dzayo, foshoro dzayo, midziyo yokusasa zvibayiso zvenyama uye namakango apamoto. Vakaitira aritari chiparo, mumbure wendarira, kuti chive pasi pechitsiko chayo, pakati napakati pokukwirira kwearitari. Vakaumba mhete dzendarira kuti dzibate mapango amakona mana echiparo chendarira. Vakaita mapango omuti womuunga vakaafukidza nendarira. Vakapinza mapango mukati memhete kuitira kuti agova pamativi earitari, kuti vaitakure nawo. Vakaiita namapuranga, isina chinhu mukati.
Mudziyo woKushambira
Vakagadzira mudziyo wokushambira wendarira uye nezvigadziko zvawo zvendarira kubva pazvionioni zvamadzimai aishumira pamukova wokupinda muTende Rokusangana.
Ruvazhe
Pashure vakaita ruvazhe. Rutivi rwezasi rwakanga rwakareba makubhiti zana3 uye rwaiva nezvidzitiro zvomucheka wakarukwa zvakaisvonaka, namatanda makumi maviri uye nezvigadziko zvendarira makumi maviri, nezvikorekedzo zvesirivha uye nezvisungo pamusoro pamatanda. Rutivi rwokumusorowo rwakanga runa makubhiti zana pakureba uye rwakanga rune matanda makumi maviri nezvigadziko zvendarira, ine zvikorekedzo zvesirivha nezvisungo pamusoro pamatanda.
Mucheto wokumavirira wakanga una makubhiti makumi mashanu4 paupamhi, uye kwaiva nezvidzitiro, namatanda gumi uye nezvigadziko gumi, nezvikorekedzo zvesirivha nezvisungo pamusoro pamatanda. Kumucheto wokumabvazuva, wakananga kunobuda nezuva, kwaivawo noupamhi hwamakubhiti makumi mashanu. Zvidzitiro zvakareba makubhiti gumi namashanu5 zvaiva kurutivi rumwe chete rwomukova, namatanda matatu ezvigadziko zvitatu, uye zvidzitiro zvakareba makubhiti gumi namashanu zvaiva kuno rumwe rutivi rwokupinda muruvazhe, namatanda matatu uye nezvigadziko zvitatu. Zvidzitiro zvose zvaipoteredza ruvazhe zvaiva zvomucheka wakarukwa zvakaisvonaka. Zvigadziko zvamatanda zvakanga zviri zvendarira. Zvikorekedzo nezvisungo zvaiva pamatanda zvaiva zvesirivha, uye misoro yawo yakanga yakafukidzwa nesirivha; saka matanda ose oruvazhe akanga ane zvisungo zvesirivha.
Chidzitiro chomukova wokupinda muruvazhe chaiva chewuru yebhuruu, nepepuru netsvuku uye nomucheka wakarukwa zvakaisvonaka, basa romuruki. Chakanga chakareba makubhiti makumi maviri6, chakaita sechidzitiro chaparuvazhe, makubhiti mashanu7 kukwirira kwacho, namatanda mana uye nezvigadziko zvendarira zvina. Zvikorekedzo zvazvo nezvisungo zvazvo zvaiva zvesirivha, uye misoro yacho yakanga yakafukidzwa nesirivha. Mbambo dzose dzetende retabhenakeri nezvaipoteredza ruvazhe zvaiva zvendarira.
Zvinhu zvakashandiswa
Uku ndiko kuwanda kwezvinhu zvakashandiswa patabhenakeri, iyo tabhenakeri yeChipupuriro, zvakanyorwa pakurayira kwaMozisi navaRevhi vari pasi paItamari mwanakomana waAroni, muprista. Bhezareri mwanakomana waUri, mwanakomana waHuri, worudzi rwaJudha, akagadzira zvose zvakarayirwa Mozisi naJehovha; aiva naDhoriabhu mwanakomana waAhisamaki, worudzi rwaDhani, mhizha nomusoni, uye musoni wewuru yebhuruu, pepuru netsvuku nomucheka wakaisvonaka. Kuwanda kwegoridhe rose rakabva kuzvipiriso zvokuninira rakashandiswa pabasa rose rapaimba tsvene kwaiva matarenda makumi maviri namapfumbamwe namashekeri mazana manomwe ana makumi matatu8, zvichienderana neshekeri renzvimbo tsvene.
Sirivha yakawanikwa yakabva kuna avo veungano vakaverengwa pakunyorwa, yaiva matarenda zana, uye chiuru chimwe namazana manomwe namakumi manomwe namashanu amashekeri9, zvichienderana neshekeri renzvimbo tsvene, bheka rimwe chete pamunhu, ndiyo hafu yeshekeri10, zvichienderana neshekeri renzvimbo tsvene, kubva kumunhu wose akanga ayambukira kuna avo vakanga vatoverengwa, vana makore makumi maviri kana kupfuura, varume vakanga vari zviuru mazana matanhatu navatatu namazana mashanu ana makumi mashanu. Matarenda zana11 esirivha akashandiswa kugadzira zvigadziko zvenzvimbo tsvene pachidzitiro, zvigadziko zana zvaibva pamatarenda zana, tarenda rimwe chete pachigadziko chimwe nechimwe. Vakashandisa mashekeri chiuru chimwe chete namazana manomwe namakumi manomwe namashanu12 uye kuti vagadzire zvikorekedzo zvamatanda, kufukidza misoro yamatanda, uye vagadzire zvisungo zvawo.
Ndarira yakabva kuzvipiriso zvokuninira yaiva matarenda makumi manomwe namashekeri zviuru zviviri namazana mana13. Vakaishandisa kugadzira nheyo dzomukova weTende Rokusangana, aritari yendarira, chiparo chayo chendarira nemidziyo yayo yose, nheyo dzepakapoteredza ruvazhe nedzomukova warwo nembambo dzose dzetende retabhenakeri uye nezvose zvakapoteredza ruvazhe.
Source notes (13)
- Footnote mamita angaita 1.4
- Footnote mamita angaita 2.3
- Footnote mamita angaita 4
- Footnote mamita angaita 23
- Footnote mamita angaita 6.9
- Footnote mamita angaita 9
- Footnote mamita angaita 2.3
- Footnote tani
- Footnote mamita angaita 3.4
- Footnote magiramu angaita 6
- Footnote matani 3.4
- Footnote makirogiramu angaita 20
- Footnote makirogiramu angaita 20
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017. Copyright © 2005, 2018 Biblica, Inc. Licensed under CC BY-SA 4.0. “Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Source: eBible.org. Typeset from the source files; no intended changes to scripture wording. BibleKenya is not endorsed by the rights holder.
Full source notice & licence · CC BY-SA 4.0 · SourceEdition imported 2026-10-25.