Skip to content
BibleKenya

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017

Ekisodho 37

Areka

Bhezareri akaita areka yamatanda omuunga, yakareba makubhiti maviri nehafu1, kubhiti rimwe nehafu2 paupamhi, uye kubhiti rimwe chete nehafu pakukwirira. Akaifukidza negoridhe rakaisvonaka, zvose mukati nokunze, uye akaita hata yegoridhe yakaipoteredza. Akaiumbira mhete dzegoridhe ina akadziisa pamakumbo ayo mana, nemhete mbiri pano rumwe rutivi uye dzimwe mbiri kuno rumwezve rutivi. Ipapo akaita mapango omuti womuunga uye akaafukidza negoridhe. Uye akapinza mapango mukati memhete parutivi rweareka okuitakura nawo.

Akagadzira chifunhiro chokuyananisa chegoridhe rakaisvonaka, makubhiti maviri nehafu3 pakureba uye kubhiti rimwe chete nehafu4 paupamhi. Ipapo akaita makerubhi maviri negoridhe rakapambadzirwa kumacheto echifunhiro. Akaita kerubhi rimwe chete kurutivi rumwe chete rwokumucheto uye kerubhi rechipiri kuno rumwezve rutivi, mativi okumucheto ari maviri akaaita chinhu chimwe chete nechifunhiro. Mapapiro amakerubhi akanga akatambanudzirwa kumusoro, achifukidza chifunhiro nomumvuri wawo. Makerubhi akanga akatarisana, akatarisa kuchifunhiro.

Tafura

Vakagadzira tafura namatanda omuunga, yakareba makubhiti maviri5, uye kubhiti rimwe chete6 paupamhi, uye kubhiti rimwe chete nehafu7 pakukwirira. Ipapo vakaifukidza negoridhe rakaisvonaka uye vakagadzira hata yegoridhe yakaipoteredza. Vakaiitirawo mukombero wakaipoteredza une upamhi hwakaita sechanza choruoko8 ndokuisa hata yegoridhe pamukombero. Vakaumba mhete ina dzegoridhe dzetafura uye vakadzisungirira pamakona mana, paya pakanga pana makumbo. Mhete dzakaiswa pedyo nomukombero kuti dzibate mapango aishandiswa pakutakura tafura. Mapango okutakura tafura akagadzirwa namatanda omuunga uye akanga akafukidzwa negoridhe. Uye vakaita nhumbi dzetafura negoridhe rakaisvonaka, ndiro dzayo, madhishi nemikombe uye nezvirongo zvayo zvokudururira zvipiriso zvinonwiwa.

Chigadziko choMwenje

Vakagadzira chigadziko chomwenje chegoridhe rakaisvonaka uye vakaripambadzira, chigadziko nerwiriko; mikombe inenge maruva, mabukira namaruva zvaiva chinhu chimwe chete nacho. Mapazi matanhatu akaiswa kubva kumativi echigadziko chomwenje, matatu kurutivi rumwe chete uye mamwe matatu kuno rumwe rutivi. Mikombe mitatu yakanga yakaumbwa seruva remuarimondi namabukira namaruva makuru zvakanga zviri pane rimwe davi, matatu padavi raitevera uye zvakanga zvakaita saizvozvo pamatavi ose ari matanhatu aibva pachigadziko chomwenje. Uye pamusoro pechigadziko chomwenje paiva nemikombe mina yakanga yakaumbwa seruva romuarimondi namabukira uye namaruva makuru. Bukira rimwe chete rakanga riri pasi pamatavi maviri okutanga aibva pachigadziko chomwenje, bukira rechipiri rakanga riri pasi pamatavi maviri aitevera, uye bukira rechitatu rakanga riri pasi pamatavi mamwezve maviri, ose ari matanhatu pamwe chete. Mabukira namatavi zvaiva chinhu chimwe chete nechigadziko chomwenje, chegoridhe rakaisvonaka rakapambadzirwa.

Vakaita mwenje yacho minomwe, pamwe chete nembato dzacho uye nendiro dzacho, dzegoridhe rakaisvonaka. Vakaita chigadziko chomwenje nenhumbi dzacho dzose kubva patarenda rimwe chete9 regoridhe rakaisvonaka.

Aritari yeZvinonhuhwira

Vakaita aritari yezvinonhuhwira namatanda omuunga. Yakanga yakaenzana mativi ose ari mana, yakareba kubhiti rimwe chete10 uye kubhiti rimwe chete paupamhi, uye makubhiti maviri11 pakukwirira kwayo, nyanga dzayo dziri chinhu chimwe chete nayo. Vakafukidza pamusoro payo nokumativi ose uye nenyanga, negoridhe rakaisvonaka, uye vakagadzira hata yakaipoteredza. Vakaita mhete dzegoridhe mbiri pasi pehata, mbiri kuno rumwe rutivi, kuti dzibate mapango aishandiswa pakuitakura. Vakagadzira mapango omuti womuunga uye vakaafukidza negoridhe.

Vakagadzirawo mafuta matsvene okuzodza uye nezvinonhuhwira kwazvo zvakaisvonaka, basa romuvhenganisi wezvinonhuhwira.

Source notes (11)
  1. Footnote mamita angaita 1.1
  2. Footnote 0.7 yemita
  3. Footnote mamita angaita 1.1
  4. Footnote 0.7 yemita
  5. Footnote 0.9 yemita
  6. Footnote 0.5 yemita
  7. Footnote 0.7 yemita
  8. Footnote masendimita angaita 8
  9. Footnote makirogiramu angaita 34
  10. Footnote 0.5 yemita
  11. Footnote 0.9 yemita

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017. Copyright © 2005, 2018 Biblica, Inc. Licensed under CC BY-SA 4.0. “Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Source: eBible.org. Typeset from the source files; no intended changes to scripture wording. BibleKenya is not endorsed by the rights holder.

Full source notice & licence · CC BY-SA 4.0 · SourceEdition imported 2026-10-25.

BibleKenya

Reader settings

Theme
Font
Alignment
Reading width

Saved in this browser and used offline too. Press ? for keyboard shortcuts.