Skip to content
BibleKenya

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017

VaEfeso 2

Takaitwa vapenyu muna Kristu

Kana muri imi, makanga makafa mukudarika kwenyu nomuzvivi, izvo zvamaigara mazviri pamaitevera nzira dzenyika ino uye nedzomutongi woushe hwomuchadenga, iwo mweya unoshanda zvino muna avo vasingateereri. Isu tose taigara pakati pavo pane imwe nguva, tichikudza kuchiva kwenyama yedu yezvivi uye tichitevera zvido zvedu nezvataifunga. Sezvakangoita vamwe vose, pakuzvarwa kwedu takanga tiri vana vokutsamwirwa. Asi nokuda kworudo rwake rukuru kwatiri, Mwari, iye akapfuma pangoni, akatiita vapenyu muna Kristu kunyange zvedu takanga takafa mukudarika kwedu, makaponeswa nenyasha. Uye Mwari akatimutsa pamwe chete naKristu akatigarisa kudenga muna Kristu Jesu, kuitira kuti munguva dzinouya aratidze pfuma yake huru yenyasha dzake, zvichiratidzwa muunyoro hwake kwatiri muna Kristu Jesu. Nokuti makaponeswa nenyasha, kubudikidza nokutenda, uye izvi hazvibvi kwamuri, chipo chaMwari, kwete namabasa, kuti parege kuva nomunhu anozvikudza. Nokuti tiri basa raMwari, rakasikwa muna Kristu Jesu kuti tiite mabasa akanaka, akagadzirwa naMwari kare kuti tiaite.

Tiri vamwe chete muna Kristu

Naizvozvo, rangarirai kuti kare imi veDzimwe Ndudzi pakuzvarwa uye muchinzi “vasina kudzingiswa” naavo vaizviti “vakadzingiswa” (uko kunoitwa pamuviri namaoko avanhu), rangarirai kuti panguva iyoyo makanga makaparadzaniswa naKristu, musingaverengwi muzvizvarwa zveIsraeri uye muri vatorwa musungano dzechipikirwa, musina tariro uye musina Mwari munyika. Asi zvino muna Kristu Jesu, imi makanga muri kure kare, makaswededzwa pedyo kubudikidza neropa raKristu.

Nokuti iye pachake ndiye rugare rwedu, akaita kuti vaviri vave chinhu chimwe uye akaparadza mukaha, irwo rusvingo rwokuvengana rwaivaparadzanisa, nokuparadza munyama yake murayiro, mitemo yacho pamwe chete uye nezvakatemwa. Vavariro yake yakanga iri yokusika maari munhu mumwe chete mutsva kubva pavaviri, naizvozvo aite rugare, uye mumuviri mumwe chete uyu ayananise vaviri ava kuna Mwari kubudikidza nomuchinjikwa, wakaparadza kuvengana kwavo. Akauya akaparidza rugare kwamuri imi makanga muri kure uye rugare kuna avo vakanga vari pedyo. Nokuti kubudikidza naye isu tose tinosvika kuna Baba noMweya mumwe chete.

Saka, hamuchisiri vatorwa kana vaeni, asi vagari pamwe chete navanhu vaMwari uye mava veimba yaMwari, makavakwa panheyo dzavapostori navaprofita, naKristu Jesu pachake iye dombo rapakona. Maari imba yose yakabatanidzwa pamwe chete uye inokura kuti ive temberi tsvene muna She. Uye maari nemiwo makavakwa pamwe chete kuti muve ugaro hwaMwari muMweya.

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017. Copyright © 2005, 2018 Biblica, Inc. Licensed under CC BY-SA 4.0. “Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Source: eBible.org. Typeset from the source files; no intended changes to scripture wording. BibleKenya is not endorsed by the rights holder.

Full source notice & licence · CC BY-SA 4.0 · SourceEdition imported 2026-10-25.

BibleKenya

Reader settings

Theme
Font
Alignment
Reading width

Saved in this browser and used offline too. Press ? for keyboard shortcuts.