Skip to content
BibleKenya

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017

Muparidzi 11

Chingwa pamusoro peMvura

Kanda chingwa chako pamusoro pemvura zhinji,

nokuti mushure mamazuva mazhinji uchachiwanazve.

Govera vanomwe, kunyange navaserewo;

nokuti hauzivi kuti idambudziko rakadii richauya panyika.

Kana makore azara nemvura

anonayisa mvura panyika.

Hazvinei kuti muti wawira zasi kana kumusoro,

panzvimbo paunowira, ndipo paucharara.

Ani naani anotarira mhepo haangadyari;

ani naani anotarira makore haangakohwi.

Sezvo usingazivi nzira yemhepo,

kana magadzirirwo omuviri mudumbu ramai,

saizvozvowo haunganzwisisi basa raMwari,

Muiti wezvose.

Kusha mbeu dzako mangwanani,

uye madekwana urege kugarira maoko ako,

nokuti hauzivi kuti chichabudirira ndechipi,

chingava ichi kana icho,

kana kuti zvose zviri zviviri zvichafanana pakunaka.

Rangarira Musiki wako uchiri muduku

Chiedza chakanaka,

uye zvinofadza meso kuona zuva.

Kunyange zvazvo munhu akararama makore mazhinji,

ngaafadzwe nawo ose.

Asi ngaarangarire mazuva erima,

nokuti achava mazhinji.

Zvose zvichazouya hazvina maturo.

Fara zvako jaya, pauduku hwako,

uye mwoyo wako ngaukupe mufaro pamazuva ouduku hwako.

Tevera nzira dzomwoyo wako,

nezvose zvingaonekwe nameso ako,

asi uzive kuti pazvinhu zvose izvi

Mwari achakusvitsa pakutongwa.

Saka zvino dzinga zvinonetsa pamwoyo

wako ugobvisa zvinotambudza pamuviri wako,

nokuti uduku nesimba hazvina maturo.

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017. Copyright © 2005, 2018 Biblica, Inc. Licensed under CC BY-SA 4.0. “Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Source: eBible.org. Typeset from the source files; no intended changes to scripture wording. BibleKenya is not endorsed by the rights holder.

Full source notice & licence · CC BY-SA 4.0 · SourceEdition imported 2026-10-25.

BibleKenya

Reader settings

Theme
Font
Alignment
Reading width

Saved in this browser and used offline too. Press ? for keyboard shortcuts.