Skip to content
BibleKenya

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017

Muparidzi 10

Nhunzi dzakafa dzinonhuwisa mafuta akanaka,

saizvozvowo upenzi hushoma hunorema kukunda uchenjeri nokukudzwa.

Mwoyo womunhu akachenjera unosimbira kurudyi,

asi mwoyo webenzi unosimbira kuruboshwe.

Kunyange richifamba pamugwagwa,

benzi rinoshayiwa njere

uye rinoratidza vanhu vose upenzi hwaro.

Kana kutsamwa kwomutongi kukakumukira,

usabva panzvimbo yako;

unyoro hunonyaradza mhosva huru.

Kune chinhu chakaipa chandakaona pasi pezuva,

kutadza kunobva kuvatongi:

Mapenzi anoiswa munzvimbo zhinji dzapamusoro,

ipapo vapfumi vachitora nzvimbo dzakaderera.

Ndakaona varanda vakatasva mabhiza,

ipapo machinda achifamba pasi netsoka savaranda.

Ani naani anochera gomba angangowira mariri;

ani naani anopwanya naparusvingo angangorumwa nenyoka.

Ani naani anopwanya matombo angangokuvadzwa nawo;

ani naani anotsemura matanda angangozviisa panjodzi nawo.

Kana demo rakagomara

uye rikasarodzwa,

panodiwa simba rakawanda,

asi unyanzvi hunouyisa kubudirira.

Kana nyoka ikaruma mupingudzi asati aibata,

mupingudzi haachabatsiri.

Mashoko anobva mumuromo momunhu akachenjera ane unyoro,

asi benzi rinomedzwa nomuromo waro.

Kutanga kwamashoko ake upenzi;

nokuguma kwokutaura kwake mupengo wakashata.

Uye benzi rinowanza mashoko.

Hapana munhu anoziva zvichauya,

ndiani angamuudza zvichaitika shure kwake?

Basa rebenzi rinomunetesa;

haazivi nzira inoenda kuguta.

Une nhamo iwe nyika ina mambo aiva muranda

uye ina machinda anoita mabiko mangwanani.

Wakaropafadzwa iwe nyika ina mambo akaberekwa mukukudzwa

uye ina machinda anodya panguva yakafanira,

kuti vasimbiswe kwete kuti vadhakwe.

Kana munhu ari simbe, denga remba rinosakara;

kana achigarira maoko, imba inobvinza.

Mabiko anoitirwa kuseka,

uye waini inofadza upenyu,

asi mari imhinduro kune zvose.

Usatuka mambo kunyange mupfungwa dzako,

kana kutuka mupfumi paimba yako yokuvata,

nokuti shiri yedenga ingangotakura mashoko ako,

uye china mapapiro chingangozivisa zvawataura.

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017. Copyright © 2005, 2018 Biblica, Inc. Licensed under CC BY-SA 4.0. “Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Source: eBible.org. Typeset from the source files; no intended changes to scripture wording. BibleKenya is not endorsed by the rights holder.

Full source notice & licence · CC BY-SA 4.0 · SourceEdition imported 2026-10-25.

BibleKenya

Reader settings

Theme
Font
Alignment
Reading width

Saved in this browser and used offline too. Press ? for keyboard shortcuts.