Skip to content
BibleKenya

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017

Amosi 4

Israeri haina kudzokera kuna Mwari

Inzwai shoko iri, imi mhou dzeBhashani paGomo reSamaria,

imi vakadzi vanodzvinyirira varombo

uye vanopwanya vanoshayiwa muchiti kuvarume venyu, “Tiunzirei zvokunwa.”

Ishe Jehovha apika noutsvene hwake achiti,

“Zvirokwazvo nguva ichasvika

yamuchatorwa nezvikokovono,

vokupedzisira pakati penyu nezviredzo.

Muchabuda pakarepo mumwe nomumwe,

napakakoromoka masvingo,

uye mucharasirwa kunze makananga kuHamoni,”

ndizvo zvinotaura Jehovha.

“Endai kuBheteri mundotadza;

endai kuGirigari mundowedzera kutadza kwenyu.

Uyai nezvibayiro zvenyu mangwanani namangwanani,

zvegumi zvenyu mushure mamakore matatu.

Pisai chingwa chine mbiriso sechibayiro chokuvonga

muzvirumbidze pamusoro pezvipiriso zvenyu zvokupa nokuzvisarudzira,

zvirumbidzei nazvo, imi vaIsraeri,

nokuti izvi ndizvo zvamunofarira kuita,”

ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.

“Ndakakupai matumbu asina chinhu mumaguta makuru ose

uye ndikakushayisai chingwa mumaguta maduku ose,

kunyange zvakadaro hamuna kudzokera kwandiri,”

ndizvo zvinotaura Jehovha.

“Ndakamisawo mvura

kuti isanaya kwasara mwedzi mitatu kuti mukohwe.

Ndakatumira mvura kuguta rimwe chete

ndikasanayisa kune rimwe.

Mumwe munda wakawana mvura

mumwe wakashayiwa uye ukaoma.

Vanhu vakadzedzereka vachibva kune rimwe guta vachienda kune rimwe kundotsvaka mvura,

asi havana kuwana yaivaringana kuti vanwe,

kunyange zvakadaro hamuna kudzokera kwandiri,”

ndizvo zvinotaura Jehovha.

“Kakawanda kwazvo ndakarova mapindu neminda yenyu yemizambiringa,

ndakairova nechirwere nokuvhuvha.

Mhashu dzakaparadza mionde nemiti yenyu yemiorivhi,

kunyange zvakadaro hamuna kudzokera kwandiri,”

ndizvo zvinotaura Jehovha.

“Ndakatumira hosha pakati penyu

sezvandakaita kuIjipiti.

Ndakauraya majaya enyu nomunondo,

pamwe chete namabhiza enyu akapambwa.

Ndakazadza mhino dzenyu nokunhuhwa kwemisasa yenyu,

asi hamuna kudzokera kwandiri,”

ndizvo zvinotaura Jehovha.

“Ndakaparadza vamwe venyu

sokuparadza kwandakaita Sodhomu neGomora.

Makanga makaita sorukuni runotsva, rwabviswa mumoto,

asi hamuna kudzokera kwandiri,”

ndizvo zvinotaura Jehovha.

“Naizvozvo izvi ndizvo zvandichaita kwauri, Israeri,

uye nokuti ndichaita izvi kwauri,

gadzirira kusangana naMwari wako, iwe Israeri.”

Iye anoita makomo,

ndiye anosika mhepo,

ndiyezve anozivisa pfungwa dzake kumunhu,

Iye anoshandura mangwanani akava rima,

anotsika panzvimbo dzakakwirira dzenyika,

Jehovha Mwari Wamasimba Ose ndiro zita rake.

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017. Copyright © 2005, 2018 Biblica, Inc. Licensed under CC BY-SA 4.0. “Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Source: eBible.org. Typeset from the source files; no intended changes to scripture wording. BibleKenya is not endorsed by the rights holder.

Full source notice & licence · CC BY-SA 4.0 · SourceEdition imported 2026-10-25.

BibleKenya

Reader settings

Theme
Font
Alignment
Reading width

Saved in this browser and used offline too. Press ? for keyboard shortcuts.