Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017
Amosi 3
Zvapupu zvinodaidzwa kuti zvizopomera Israeri mhosva
Inzwai shoko iri rakataurwa naJehovha pamusoro penyu, imi vanhu veIsraeri, pamusoro pemhuri yose yandakabudisa kubva muIjipiti:
“Ndimi moga vandakasarudza
pamhuri dzose dzapanyika;
naizvozvo ndichakurangai
nokuda kwezvivi zvenyu zvose.”
Ko, vaviri vangafamba pamwe chete
vasina kunge vatenderana here?
Ko, shumba ingaomba mudondo
isina chayaruma here?
Ko, ingarira mubako rayo isina chayabata here?
Ko, shiri ingawira pasi mumusungo
pasina kuteyiwa rugombe here?
Ko, musungo ungaurukira kumusoro
pasina chawabata here?
Hwamanda ingarira muguta,
vanhu vakasatya here?
Njodzi painowira guta,
ko, haazi Jehovha anenge azviita here?
Zvirokwazvo, Ishe Jehovha haaiti chinhu
asina kuzivisa varanda vake,
vaprofita, zvakavanzika zvake.
Shumba yaomba,
ndiani angarega kutya?
Ishe Jehovha ataura,
ndiani angarega kuprofita?
Paridzirai nhare dzeAshidhodhi
nenhare dzeIjipiti muchiti:
“Unganai pamakomo eSamaria;
onai kusagadzikana kukuru kuri mukati maro,
noudzvinyiriri huri pakati pavanhu varo.”
“Havazivi kuita zvakarurama,” ndizvo zvinotaura Jehovha,
“ivo vanounganidza zvakapambwa nezvakabiwa munhare dzaro.”
Naizvozvo zvanzi naIshe Jehovha,
“Muvengi achatora nyika; achawisira pasi nzvimbo dzako
uye achapamba nhare dzako.”
Zvanzi naJehovha:
“Mufudzi sezvaanobvuta pamuromo
weshumba mapfupa maviri amakumbo chete kana chipandi chenzeve,
vaIsraeri vachaponeswa saizvozvowo,
avo vanogara muSamaria
pamicheto yemibhedha yavo,
nomuDhamasiko pazvigaro zvavo.”
“Inzwai izvi, mugopupura pamusoro peimba yaJakobho,” ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha, Mwari Wamasimba Ose.
“Pazuva randicharanga Israeri nokuda kwezvivi zvayo,
ndichaparadza aritari dzeBheteri;
nyanga dzearitari dzichaparadzwa
uye dzichawira pasi.
Ndichaparadza imba yenguva yechando,
pamwe chete neimba yenguva yechirimo;
dzimba dzakashongedzwa nenyanga dzenzou dzichaparadzwa
uye dzimba huru dzichaparadzwa,”
ndizvo zvinotaura Jehovha.
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017. Copyright © 2005, 2018 Biblica, Inc. Licensed under CC BY-SA 4.0. “Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Source: eBible.org. Typeset from the source files; no intended changes to scripture wording. BibleKenya is not endorsed by the rights holder.
Full source notice & licence · CC BY-SA 4.0 · SourceEdition imported 2026-10-25.