VaFiripi
Philippians
Introduction from this edition
Tsamba raPhauro
kuvaVAFIRIPI
Kuwidzira
Phauro adonyora tsamba kuvatendi muFiripi mumakore makumi matanhatu noribodzi mumasure mokuberekewa kwaKhirisitu. Adorinyora ari mutorongo zvichida waiva muRoma (vaFiripi 1:13). Tsamba ridonyorehwa kuherekhe yanga iri muguta roFiripi. Tinogona kudzidza zvishoma pamusoro poguta roFiripi kubva mubhuku raMabasa. Firipi ndiro raiva guta rikuru mudunhu roMakedhoniya. Pakare ndiyo yanga iri kherekhe yokuthanga muMakedhoniya. Phauro naSairasi vadothanga kherekhe yakarei vari pabodzi uye vadotoisiwa mutorongo usiku hubodzi pavanga vari kwakareko (Mabasa 16:1-40).
Phauro anogona kunge waiva nozvinangwa zvidowanda paadonyora tsamba rakareri. Adoshandisa chiitiko kutenda kherekhe nokuda kwochipo chavadotumira pavadonzva kuti ari mutorongo (vaFiripi 4:10-19). Uyewo adovatsanangurira chimiro chache mutorongo nokuvakurudzira kuti vatambire nokuremekedza utungamiri hwaTimoti naEpafurodhitasi mukherekhe (vaFiripi 2:19-30).
Marongehwo
Phauro adothanga tsamba yache nokumoresa kherekhe iri muFiripi (vaFiripi 1:1-2).
Tevere anokovera mashoko pamusoro pomamiriro yozvinhu nozvaimutambudza pamusoro pavo (vaFiripi 1:3—2:30).
Ndokudzopasa rairo idotikuti pamusoro pokurarama kwochiKhirisitu (vaFiripi 3:1—4:9).
Phauro anopedzisira nokutenda kherekhe yopaFiripi nokuda kwochipo chavo uye nokuvamoresa (vaFiripi 4:10-23).
KoreKore Bible Translation. Copyright © The Word for the World International. Licensed under CC BY-SA 4.0. Source: Open.Bible. Typeset from the source files; no intended changes to scripture wording. BibleKenya is not endorsed by the rights holder.
Full source notice & licence · CC BY-SA 4.0 · SourceEdition imported 2026-11-09.