Firimoni
Philemon
Introduction from this edition
Tsamba raPhauro kuna
FIRIMONI
Kuwidzira
Tsamba ripfupi raFirimoni ridonyohwa noNhumwa Phauro (Firimoni 1:1)
Phauro anga ari mutorongo paadorinyora, zvinoreva kuti anogona kunge waiva ari kuRoma. Zvino kana waiva kuRoma saka zvinoreva kuti tsamba rakareri ridonyohwa mumakore anenge makumi matanhatu noribodzi mumasure mokuzvahwa kwaKhirisitu, inova nguwa ibodzibodziyo yaadonyora vaKorose.
Adonyora tsamba rakareri kumurume anoitiwa Firimoni. Firimoni waiva nhengo yokherekhe uku ari munhu anovaranda vache. Phauro adomunyorera achikumbira kuti areke kuranga Onesimasi muranda wache wanga watiza kubva kuna Firimoni. Pamutemo wovaRoma Firimoni wanga anokodzero yokubaya Onesimasi. Phauro adoshandisa mazvi yokupenzveredza pakukurudzira Firimoni kuti atambire Onesimasi sehama muKhirisitu ndokutoenderera pamberi achipa pfungwa yokuti Onesimasi atendehwe kushanda pabodzi naPhauro (Firimoni 1:13-14).
Marongehwo
Phauro anomoresa Firimoni (Firimoni 1:1-3)
Pakarepo Phauro adodzokumbira adomiririra Onesimasi kuti Firimoni amutambire sehama muna Khirisitu (Firimoni 1:4-21)
Phauro anopedzisira nokuisa pachenu chido chache chokumubvakachira nokutumira kumoresa kwache (Firimoni 1:22-25).
KoreKore Bible Translation. Copyright © The Word for the World International. Licensed under CC BY-SA 4.0. Source: Open.Bible. Typeset from the source files; no intended changes to scripture wording. BibleKenya is not endorsed by the rights holder.
Full source notice & licence · CC BY-SA 4.0 · SourceEdition imported 2026-11-09.