Skip to content
BibleKenya

Judhasi

Jude

Introduction from this edition

Tsamba

raJUDHASI

Kuwidzira

Tsamba rinoitiwa Judhasi ridopasiwa zita romunyori warene, anova Judhasi. Judhasi anozviita hama yaJakobho, waiva munin'ina waJesu. Saka naiyeyuwo umwe wovanofungidzihwa kuti waiva munin'ina waJesu (Judhasi 1) Tinozivaba kana tsamba rakareri ridonyorehwa kuti itumihwe kuimwe yomakherekhe. Asi nondava yokutora zvinhu zvidosiyanasiyana kubva kuChibvumirano Chokare, tsamba rakareri rinoonewa kunge ridonyorehwa vaJudha. Kunyange zvidodaro zvazvene, tsamba rakareri rinoenda kunovese vadodaidziwa novanodiwa, vari muna Mwari Baba, futi vadochengetehwa Jesu Khirisitu. Tsamba rakareri raJudhasi rinenge ridonyohwa kwapera makore makumi matanhatu mumasure mokuzvahwa kwaKhirisitu.

Chinangwa chaJudhasi chokunyorera maKhirisitu tsamba rakareri nyhokuvapasa chenjedzo kuti vareke kutsambutsiwa novadzidzisi vomabhwodo (Judhasi 4). Anopasa muenzaniso wozvidoitika kuChibvumirano Chokare kuti asimbise kupasa kwache chenjedzo. Tsamba rakareri rinopfungwa dzidowanda dzidofanana nodziri muna 2 Pita, zvichisanganisira chenjedzo pamusoro povadzidzisi vomabhwodo (Judhasi 4, 2 Pita 2:1). Zvakarezvi zvinosanganisawo muenzaniso wonyaya yongirozi nonyaya yoSodhoma noGomora.

Marongehwo

Judhasi anothanga nokupasa shoko rorugare kuvaverengi votsamba yache (Judhasi 2)

Kubva pakarepo anodzopasa chikonzero chaadonyorera tsamba rache, chinova chokuonesa vatendi maitiro yanongozi yovadzidzisi vomabhwodo (Judhasi 3-4)

Mumasure mozvakarezvo anopasa muenzaniso wovanhu nozvinhu zvomuChibvumirano Chokare (Judhasi 5-16)

Zvino anodzopasa nzeru kuvaverengi vache dzozvinhu zvavanofanira kuita pamusoro pochenjedzo yavapasiwa (17-23)

Judhasi anopedzisa tsamba rache nokurumbidza Mwari (Judhasi 24-25)

KoreKore Bible Translation. Copyright © The Word for the World International. Licensed under CC BY-SA 4.0. Source: Open.Bible. Typeset from the source files; no intended changes to scripture wording. BibleKenya is not endorsed by the rights holder.

Full source notice & licence · CC BY-SA 4.0 · SourceEdition imported 2026-11-09.

BibleKenya

Reader settings

Theme
Font
Alignment
Reading width

Saved in this browser and used offline too. Press ? for keyboard shortcuts.