VaGaratiya
Galatians
Introduction from this edition
Tsamba raPhauro kuvaGaratiya
VAGARATIYA
Kuwidzira
Bhuku ravaGaratiya ridonyohwa nonhumwa Phauro (VaGaratiya 1:1). Itsamba ridonyohwa naPhauro kumakherekhe yovaGaratiya pakati pomakore (48-57) makumi manai nomasere kusvika makumi mashano nomanomwe mumasure mokuzvahwa kwaKhirisitu. VaGaratiya vanogona kunge vanga vari vanhu vaigara mudunhu roRoma muGaratiya. Nyanzvi dzodzidzo hadzinai chokwadi chokuti Phauro wanga ari poi paadonyora tsamba rakareri, asi maguta mairi roEfeso noroKorinde ndiyo yanogona kunge yari iyo kwaadonyora ari.
Phauro adonyora achinyaira nomaKhirisitu vochiJudha novasiri maJudha, mumakherekhe yomuGaratiya. Adonyora achinyanya kuda kupikisa dzidziso yomabhwodo inoti maKhirisitu vanofanira kutevera mitemo yochiJudha kubva kuChibvumirano Chokare, kunyanyitsa wokuchecheudziwa. Panga panochikwata chovanhu pakati pomaKhirisitu vaipinza vanhu voyamwe marudzi muchiJudha vaida kuti maKhirisitu vasiri maJudha vachecheudziwe. Vaiitawo mubvunzo pamusoro pokuva nhumwa kwaPhauro. Phauro adodzivirira kuva kwache nhumwa kuburikidza nokunyaira dzimwe dzonyaya dzache (vaGaratiya 1:11—2:14) pakamu adodzivirira vhangeri nokutsanangura kuti ruponiso runokwanisika chete nokutenda muna Jesu Khirisitu (vaGaratiya 2:16). Rinouya nokunaka kunonangidziwa naMwari aikona zvinoitiwa novanhu.
Marongehwo
Phauro anothanga tsamba rache nokumoresa makherekhe yari muGaratiya (vaGaratiya 1:1-5).
Ipopo Phauro anotsanangura zvimwe zvokumasure kwache kudzivirira kodzero yache pakudzidzisa achinangidza kuti adoedza kurarama nomutemo asi hazvinai kushanda (vaGaratiya 1:6—2:21).
Chinotevera anoingidzira kutsanangura basa romutemo noromutsa panyaya yoruponiso (vaGaratiya 3:1-4).
Ipopo anopasa kuraira kwomararamiro yochiKhirisitu yadonaka (vaGaratiya 5:1—6:10).
Phauro anogumisa tsamba rache nokumoresa nokukumbira kuti vayeuke kuti kusanduhwa naMwari uchiva munhu mutsva kudokosha kukunda mitemo yokunze, idoita sekuchecheudziwa (vaGaratiya 6:11-18).
KoreKore Bible Translation. Copyright © The Word for the World International. Licensed under CC BY-SA 4.0. Source: Open.Bible. Typeset from the source files; no intended changes to scripture wording. BibleKenya is not endorsed by the rights holder.
Full source notice & licence · CC BY-SA 4.0 · SourceEdition imported 2026-11-09.