Skip to content
BibleKenya

2 Timoti

2 Timothy

Introduction from this edition

Tsamba Rochipiri RaPhauro Kuna

TIMOTI

Kuwidzira

Bhuku rochipiri raTimoti ndiro tsamba rochipiri ridobva kunhumwa Phauro richienda kumudzidzi wache Timoti. 2 Timoti ndiro tsamba ridonyohwa naPhauro paanga waakusvika kumhera kwoupenyu hwache. Nguwa yakarei wanga adovharihwa mutorongo kuRoma (2 Timoti 1:16). Panga panoukama hudonakitsa pakati paPhauro naTimoti zvokuti Phauro waitomuita mwana wache (VaFiripi 2:22; 1 Timoti 1:2, 18).

Tsamba rakareri ndiro rimwe romatsamba manai yadonyohwa naPhauro kumunhu, aikona kukherekhe. Yamwe matatu yotsamba dzidodai ndiTimoti wokuthanga, Tito naFirimoni. Panguwa yakarei idonyohwa tsamba rochipiri raTimoti vatendi vomunyika dzaitongewa novaRoma vaitambudziwa. Pamwe zvakarezvo ndizvo zvidoita kuti Phauro ave mutorongo futi waisimbisa Timoti kuti achiirire pakuomehwa. Phauro anoraira Timoti zvizinji pamusoro povadzidzisi vomabhwodo mwenze zvaadoita mutsamba yache yokuthanga (1 Timoti 1:16-18).

Futi adonyairira Timoti kuti mazuva yaidzotevera paidzova nonguwa idooma (2 Timoti 3:1).

Marongehwo

Phauro anothanga nokumoresa Timoti (2 Timoti 1:1-2) ndokudzomukurudzira. (2 Timoti 1:3-18)

Mumasure maizvozvo anodzokurudzira Timoti kutsungirira (2 Timoti 2:1-13)

Kubva panaizvozvo, Phauro anotsindikira Timoti kuita zvidofanira muupenyu (2 Timoti 2:14-26)

Zvino Phauro anodzochenjedza Timoti pamusoro pozvinoitika pamazuva yari kumberi futi kuti iye ayachenjerere (2 Timoti 3:1—4:8)

Phauro anopedzisa nokunyaira zvoupenyu hwache kuna Timoti (2 Timoti 4:9-24).

KoreKore Bible Translation. Copyright © The Word for the World International. Licensed under CC BY-SA 4.0. Source: Open.Bible. Typeset from the source files; no intended changes to scripture wording. BibleKenya is not endorsed by the rights holder.

Full source notice & licence · CC BY-SA 4.0 · SourceEdition imported 2026-11-09.

BibleKenya

Reader settings

Theme
Font
Alignment
Reading width

Saved in this browser and used offline too. Press ? for keyboard shortcuts.