2 VaThesaronika
2 Thessalonians
Introduction from this edition
2VATHESARONIKA
Tsamba rochipiri raPhauro
Kuwidzira
Tsamba rochipiri kuvaThesaronika ridonyohwa noNhumwa Phauro (2vaThesaronika 1:1). Adonyora tsamba rakareri nguwa ipfupi kubva paadonyora 1 vaThesaronika, pamakore anenge makumi mashano noribodzi mumasure mokuzvahwa kwaKhirisitu. Phauro wanga achiri kuKorinde paadonyora tsamba rakareri kukherekhe yokuThesaronika, inova kherekhe yaadomisikidza panguwa yohwendo hwache hwochipiri hwokoparidza (Mabasa 17:1-10). Zvinotauhwa mubhuku raMabasa kuti kherekhe yopaThesaronika yaiva novaJudha uye novatendi voyamwe marudzi vadowanda.
Kherekhe yepaThesaronika inofanira kunge yaiva neshungu pamusoro pezvonguva yokupedzisira uye nozvokuuya kwechipiri kwaKhirisitu, ndava Phauro adonyora zvizinji pamusoro pozvakarezvi mumatsamba yache yese kuvaThesaronika. Chikamu chinenge chopakati chotsamba yochipiri kuvaThesaronika chidonyohwa zvonguwa yokupedzisira. Phauro anopasa yambiro pamusoro povanhu vanondogara pasinai zvavanoita. Munhu wese anofanira kushanda kuti azviwanire zvokuja (vaThesaronika 3:6-10).
Marongehwo
Phauro anothanga tsamba nokuzviwidzira uye nokuwidzira chikwata chache pana (vaThesaronika 1:1-2)
Zvino anodzotenda Mwari pamusoro pokherekhe yoThesaronika uye achivanamatira (2vaThesaronika 1:3-12)
Muchitsauko chochipiri Phauro anotaura pamusoro ponguwa yokupedzisira.
Zvino anodzotaura pamusoro pokuti munhu areke kundogara, asi ashande (2vaThesaronika 3:1-15)
Phauro anopedzisa nokumoresa kherekhe pakare (2vaThesaronika 3:16-18).
KoreKore Bible Translation. Copyright © The Word for the World International. Licensed under CC BY-SA 4.0. Source: Open.Bible. Typeset from the source files; no intended changes to scripture wording. BibleKenya is not endorsed by the rights holder.
Full source notice & licence · CC BY-SA 4.0 · SourceEdition imported 2026-11-09.