2 VaKorinde
2 Corinthians
Introduction from this edition
Tsamba raPhauro roChipiri
kuVaKorinde
Kuwidzira
2 VaKorinde ridonyohwa naPhauro kumakore 55 kusvika 56 sure kwokuberekewa kwaKhirisitu (2 VaKorinde 1:1) Iri ndiro tsamba rochipiri pamatsamba mairi yatinayo yadonyohwa naPhauro kukherekhe yokuKorinde. Ana mazvikokota vodzidzo vanotenda kuti Phauro wanga wambonyorera vaKorinde tsamba ridochechema. Hatinai zvidoteedzehwa kunyorewa kubva patsamba rakarero raanoreva mundima 2 VaKorinde 2:3—4:2 VaKorinde rinogona kunge ridonyohwa Phauro paanga ari kuMesodhoniya (2 VaKorinde 2:13)
2 VaKorinde ridotsarukana pakuti itsamba rinochokuita nomanzviro yomunhu pachake. Phauro anobiritsa mufaro wache nokuda kwozvidorehwa naTito pamusoro pozvidonaka zvokherekhe yokuKorinde. Mutsamba iri, tinowana dzidziso nomupfupfunyungwe wayene wese pamusoro pokupa kuri mumaonero yoChitenderano Chitsva, muzvikamu izvo Phauro anopasa rairo yokuti mari iunganidziwe kuitira kuti idzotohwa ichiendesewa kobatsira vatendi vokuJerusarema (2 VaKorinde 8:1—9:15) Zvinenge kuti nhumwa dzomabhwodo dzanga dzabva kunze kwokherekhe dzanga dzichishandisa kupanduka kwovamwe vanhu vomukherekhe kuhwisana naPhauro kuti dzizvisumudzire. Dziisa kupokana pamusoro poukuru hwaPhauro, zvinova izvo zvacho zvingadaro zvidomupasa kudzika muthadzi pasimba rache rokuva nhumwa waJesu Khirisitu kumhera kwobhuku rochipiri kuvaKorinde.
Marongedzehwo
Phauro anothanga tsamba rache nokukwazisa kherekhe (2 VaKorinde 1:1-7)
Chinotevera Phauro anotaura nezvokusandura urongwa hwohwendo hwache uye anobatawo hwenye hwaanga atambira kubva kwavari pamusoro pomhinduro yavo pastamba rache rokuthanga (2 VaKorinde 1:8—7:16)
Musure mozvakarezvo Phauro anowidzira nyaya yokuunganidza mari yovatendi vokuJerusarema (2 VaKorinde 8:1—9:15)
Pakupedzisira Phauro anopereka dziviriro pamusoro pounhumwa hwache nokuyambira kuri pamusoro pokubvakacha kwache kwaidzotevera (2 VaKorinde 10:1—13:10)
KoreKore Bible Translation. Copyright © The Word for the World International. Licensed under CC BY-SA 4.0. Source: Open.Bible. Typeset from the source files; no intended changes to scripture wording. BibleKenya is not endorsed by the rights holder.
Full source notice & licence · CC BY-SA 4.0 · SourceEdition imported 2026-11-09.