Skip to content
BibleKenya

Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017

Revhitiko 12

Kucheneswa mushure mokubereka mwana

Jehovha akati kuna Mozisi, “Uti kuvaIsraeri, ‘Mukadzi akava napamuviri akabereka mwanakomana, achava asina kuchena kwamazuva manomwe, sezvaanova asina kuchena paanoenda kumwedzi. Pazuva rorusere mukomana uyo anofanira kudzingiswa. Zvino mukadzi anofanira kumirira mazuva makumi matatu namatatu kuti acheneswe pakubuda ropa kwake. Haafaniri kubata chinhu chipi zvacho chitsvene kana kusvika kunzvimbo tsvene kusvikira mazuva okucheneswa kwake apera. Kana akabereka mwanasikana, kwevhiki mbiri mukadzi achava asina kuchena sepaanoenda kumwedzi. Ipapo anofanira kumira mazuva makumi matanhatu namatanhatu kuti acheneswe kubva pakubuda ropa.

“ ‘Kana mazuva okucheneswa nokuda kwomwanakomana kana mwanasikana apera, anofanira kuuya kumuprista pamusuo weTende Rokusangana, negwayana rine gore rimwe chete sechipiriso chinopiswa nehangaiwa diki kana njiva yechipiriso chechivi. Achazvibayira pamberi paJehovha kuti agomuyananisira, achava akacheneswa kubva pakubuda ropa kwake.

“ ‘Iyi ndiyo mirayiro yomukadzi anobatsirwa nomwanakomana kana mwanasikana. Kana asingakwanisi kuuya negwayana, anofanira kuuya nenjiva mbiri kana hangaiwa diki mbiri, imwe yechipiriso chinopiswa imwe yechipiriso chechivi. Nenzira iyi muprista achamuyananisira uye achava akachena.’ ”

Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017. Copyright © Biblica, Inc. Licensed under CC BY-SA 4.0. Source: Open.Bible. Typeset from the source files; no intended changes to scripture wording. BibleKenya is not endorsed by the rights holder.

Full source notice & licence · CC BY-SA 4.0 · SourceEdition imported 2026-11-09.

BibleKenya

Reader settings

Theme
Font
Alignment
Reading width

Saved in this browser and used offline too. Press ? for keyboard shortcuts.