Skip to content
BibleKenya

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017

Zekaria 9

Kutongwa kwaVavengi veIsraeri

Chirevo

Shoko raJehovha rinorwisana nenyika yeHadhiraki

uye richagara pamusoro peDhamasiko,

nokuti meso avanhu naamarudzi ose

eIsraeri ari pana Jehovha,

uye napamusoro peHamatiwo, rakaganhurana naro,

uye napamusoro peTire neSidhoni, kunyange zvazvo vane unyanzvi kwazvo.

Tire yakazvivakira nhare;

yakaunganidza sirivha seguruva

uye goridhe samarara omumugwagwa.

Asi Ishe achatora upfumi hwayo

uye achaparadzira simba rayo pagungwa,

uye ichaparadzwa nomoto.

Ashikeroni richazviona, rigotya;

Gaza richatambura mukurwadziwa,

neEkironiwo, nokuti tariro yaro ichapera.

Gaza richarasikirwa namambo waro

uye Ashikeroni haringavi navanhu.

Vatorwa vachagara paAshidhodhi,

uye ndichaparadza kuzvikudza kwavaFiristia.

Ndichabvisa ropa pamiromo yavo,

kudya kusingabvumirwi pakati pamazino avo.

Vaya vakasara vachava vanhu vaMwari wedu

uye vachava vatungamiri muJudha,

uye Ekironi achava savaJebhusi.

Asi ndichadzivirira imba yangu

pavarwi vanoirwisa.

Hapachazovazve nomumanikidzi angakunda vanhu vangu,

nokuti zvino ndiri kugara ndakatarira.

Kuuya kwaMambo weZioni

Fara kwazvo, iwe Mwanasikana weZioni!

Danidzira, Mwanasikana weJerusarema!

Tarira, mambo wako anouya kwauri,

iye akarurama uye ano ruponeso,

anozvininipisa akatasva mbongoro,

iyo mhuru, mwana wembongoro.

Ndichabvisa ngoro kuna Efuremu,

namabhiza ehondo kuJerusarema,

uye uta hwehondo huchavhunwa.

Achaparidzira ndudzi rugare.

Ushe hwake huchabva kugungwa huchisvika kugungwa,

uye kubva kuRwizi kusvika kumigumo yenyika.

Kana uriwe, nokuda kweropa resungano yangu newe,

ndichasunungura vasungwa vako kubva pagomba risina mvura.

Dzokerai kunhare yenyu, imi vasungwa vetariro;

kunyange iye zvino ndichazivisa kuti ndichadzorera kwamuri zvakapetwa kaviri.

Ndichakunga Judha sendinokunga uta hwangu,

uye ndichaizadza naEfuremu.

Ndichamutsa vanakomana vako, iwe Zioni,

kuti varwise vanakomana vako, iwe Girisi;

uye ndichakuita somunondo wemhare.

Jehovha achaonekwa

Ipapo Jehovha achaonekwa pamusoro pavo;

museve wake uchapenya semheni.

Ishe Jehovha acharidza hwamanda;

achafamba mudutu rezasi.

Uye Jehovha Wamasimba Ose achavadzivirira.

Vachaparadza

uye vachakunda nezvimviriri.

Vachanwa vagoomba sevanwa waini;

vachazara sembiya dzinoshandiswa

pakusasa makona earitari.

Jehovha Mwari wavo achavaponesa

pazuva iroro seboka ravanhu vake,

Vachavaima munyika yake

samabwe anokosha ari mukorona.

Kuyevedza kwavo nokunaka kwavo kuchava kukuru sei!

Zviyo zvichaita kuti majaya abudirire,

uye waini itsva kumhandara.

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017. Copyright © 2005, 2018 Biblica, Inc. Licensed under CC BY-SA 4.0. “Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Source: eBible.org. Typeset from the source files; no intended changes to scripture wording. BibleKenya is not endorsed by the rights holder.

Full source notice & licence · CC BY-SA 4.0 · SourceEdition imported 2026-10-25.

BibleKenya

Reader settings

Theme
Font
Alignment
Reading width

Saved in this browser and used offline too. Press ? for keyboard shortcuts.