Skip to content
BibleKenya

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017

Zekaria 12

Vavengi veJerusarema vachaparadzwa

Chirevo

Iri ndiro shoko raJehovha pamusoro peIsraeri. Jehovha, iye anotatamura matenga, anoteya nheyo dzenyika, uye anoumba mweya womunhu uri mukati make, anoti: “Ndichaita kuti Jerusarema rive mukombe uchadzedzeresa ndudzi dzose dzavanhu vakapoteredza. Judha ichakombwa pamwe chete neJerusarema. Pazuva iro, ndudzi dzose dzenyika padzichaungana kuti dzirirwise, ndichaita kuti Jerusarema rive ibwe risingazungunuswi kundudzi dzose. Vose vachaedza kurizungunusa vachazvikuvadza. Pazuva iro ndicharova bhiza rimwe nerimwe nokutya uye mutasvi waro nokupenga,” ndizvo zvinotaura Jehovha. “Ndicharamba ndakatarira paimba yaJudha, asi ndichapofumadza mabhiza ose endudzi. Ipapo vatungamiri veJudha vachati mumwoyo yavo, ‘Vanhu veJerusarema vakasimba, nokuti Jehovha Wamasimba Ose ndiye Mwari wavo.’

“Pazuva iro ndichaita kuti vatungamiri veJudha vaite segango pakati pehuni, uye sezhenje romoto pakati pezvisote. Vachaparadza kurudyi nokuruboshwe ndudzi dzose dzavanhu vakapoteredza, asi Jerusarema richaramba riri panzvimbo paro.

“Jehovha achaponesa misha yeJudha kutanga, kuitira kuti kukudzwa kweimba yaDhavhidhi uye nokwavagari vomuJerusarema kurege kupfuura kweJudha. Pazuva iroro Jehovha achadzivirira vaya vagere muJerusarema, zvokuti anoshayiwa simba pakati pavo achava saDhavhidhi, uye imba yaDhavhidhi ichava saMwari, soMutumwa waJehovha anoenda pamberi pavo. Pazuva iroro ndichaenda kundoparadza ndudzi dzose dzinorwisa Jerusarema.

Vanochema Uyo Wavakabaya

“Uye ndichadurura mweya wenyasha newokunyengetera paimba yaDhavhidhi uye napavagari veJerusarema. Vachatarisa kwandiri, iye wavakabaya, uye vachamuchema souya anochema mwana wake mumwe oga, uye vachachema kwazvo souya anochema mwanakomana wedangwe. Pazuva iro muJerusarema muchava nokuchema kukuru sokuchema kweHadhadhi Rimoni mubani reMegidho. Nyika ichachema, mhuri imwe neimwe iri yoga, nevakadzi vavo vari voga: mhuri yeimba yaRevhi navakadzi vavo, mhuri yaShimei navakadzi vavo, uye nedzimwe mhuri dzose navakadzi vavo.

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017. Copyright © 2005, 2018 Biblica, Inc. Licensed under CC BY-SA 4.0. “Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Source: eBible.org. Typeset from the source files; no intended changes to scripture wording. BibleKenya is not endorsed by the rights holder.

Full source notice & licence · CC BY-SA 4.0 · SourceEdition imported 2026-10-25.

BibleKenya

Reader settings

Theme
Font
Alignment
Reading width

Saved in this browser and used offline too. Press ? for keyboard shortcuts.