Skip to content
BibleKenya

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017

Rwiyo Rukuru rwaSoromoni 8

Dai chete wakanga uri sehanzvadzi kwandiri,

akanwa pamazamu amai vangu!

Ipapo kana ndaikuwana panze,

ndaikutsvoda

uye hapana aizondishora.

Ndaizokutora ndouya newe

kumba kwamai vangu,

ivo vakandidzidzisa.

Ndaikupa waini yakaiswa zvinonhuhwira kuti unwe,

nomukume wemitamba yangu.

Ruoko rwake rworuboshwe rwuri pasi pomusoro wangu,

uye ruoko rwake rworudyi rwakandimbundikira.

Imi vanasikana veJerusarema ndinokurayirai:

Musazunguza kana kumutsa rudo

kusvikira irwo rwada rwoga.

Shamwari

Ndianiko uyo ari kuuya achibva kurenje

akazendamira pamudiwa wake?

Mukadzi

Pasi pomuti womuapuro ndakakumutsa;

ipapo mai vako vakakubereka,

ipapo ivo vairwadziwa vakakubereka.

Ndiise pamwoyo pako sechisimbiso,

sechisimbiso paruoko rwako;

nokuti rudo rwakasimba sorufu,

godo rarwo seguva harishanduki.

Runopisa serimi romoto,

somurazvo mukuru kwazvo.

Mvura zhinji haigoni kudzima rudo;

nzizi hadzigoni kurukukura.

Kunyange munhu akapa

pfuma yose yemba yake kuti awane rudo,

zvingazvidzwa chose.

Shamwari

Tine hanzvadzi yedu duku

uye mazamu ake haasati akura.

Tichaitireiko hanzvadzi yedu

pazuva rokukumbirwa kwayo kuti iwanikwe?

Kana ari rusvingo,

tichavaka shongwe dzesirivha paari.

Kana ari musuo,

tichamukomberedza namapuranga omusidhari.

Mukadzi

Ndiri rusvingo,

mazamu angu akaita seshongwe.

Ndizvo zvandava pamberi pake,

somunhu anouyisa kugutsikana.

Soromoni aiva nomunda wemizambiringa muBhaari Hamoni;

akapa munda wake wemizambiringa kuvanhu vairima vachimuripira.

Mumwe nomumwe wavo pachibereko chawo

aiuya namashekeri chiuru1 esirivha.

Asi munda wangu wemizambiringa ndewangu kuti ndiupe;

chiuru chamashekeri esirivha ndechako, iwe Soromoni,

asi mazana maviri2 ndeevanochengeta michero yawo.

Murume

Iwe unogara mumapindu

unoshandirwa neshamwari,

rega ndinzwe inzwi rako!

Mukadzi

Handei mudiwa wangu,

uite semhara kana setsvana

pamusoro pamakomo

azere zvinonhuhwira.

Source notes (2)
  1. Footnote makirogiramu angaita 11.5
  2. Footnote makirogiramu angaita 2.3

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017. Copyright © 2005, 2018 Biblica, Inc. Licensed under CC BY-SA 4.0. “Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Source: eBible.org. Typeset from the source files; no intended changes to scripture wording. BibleKenya is not endorsed by the rights holder.

Full source notice & licence · CC BY-SA 4.0 · SourceEdition imported 2026-10-25.

BibleKenya

Reader settings

Theme
Font
Alignment
Reading width

Saved in this browser and used offline too. Press ? for keyboard shortcuts.