Skip to content
BibleKenya

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017

Rwiyo Rukuru rwaSoromoni 2

Mukadzi

Ndiri ruva reSharoni,

ruva romumipata.

Murume

Seruva riri pakati peminzwa,

ndizvo zvakaita mudiwa wangu pakati pemhandara.

Mukadzi

Somuti womuapuro pakati pemiti yesango,

ndizvo zvawakaita mudiwa wangu pakati pamajaya.

Ndinofarira kugara mumumvuri wake,

uye muchero wake unondinakira kuudya.

Akaenda neni kuimba yamabiko,

uye mureza wake pamusoro pangu ndirwo rudo.

Ndisimbise namazambiringa akaomeswa,

ndisimbise namaapuro;

nokuti ndoziya norudo.

Ruoko rwake rworuboshwe rwuri pasi pomusoro wangu,

uye ruoko rwake rworudyi rwakandimbundikira.

Imi vanasikana veJerusarema ndinokupikirai

nemhara uye nenondo dzesango:

Musazunguza kana kumutsa rudo

kusvikira irwo rwada rwoga.

Inzwai! Inzwi romudiwa wangu!

Tarirai! Hoyo

ouya achiuruka nomumakomo,

achikwakuka nomuzvikomo.

Mudiwa wangu akafanana nemhara

kana netsvana yenondo.

Tarirai! Hoyo amira seri kworusvingo rwedu,

akatarira napamawindo achidongorera napamaburi apamawindo.

Mudiwa wangu akataura kwandiri akati,

“Simuka, mudiwa wangu,

iwe munakunaku wangu, uya tiende tose.

Tarira! Nguva yechando yapera;

mvura yapera; uye haichanayi.

Maruva oonekwa panyika;

nguva yokuimba yasvika,

kurira kwenjiva

kwonzwikwa munyika yedu.

Muonde wobereka michero yawo yokutanga;

uye mizambiringa yotunga maruva ayo anonhuhwira kwazvo.

Simuka, uya, mudiwa wangu;

munakunaku wangu, uya tiende tose.”

Murume

Njiva yangu iri mumikaha yedombo,

munzvimbo dzokuvanda mumativi egomo,

ndiratidze chiso chako,

ndinoda kunzwa inzwi rako;

nokuti inzwi rako rinotapira,

uye chiso chako chinoyevedza.

Tibatirei makava,

ivo vana vemakava

anoparadza minda yemizambiringa,

iyo mizambiringa yedu yotunga maruva.

Mudiwa

Mudiwa wangu ndewangu uye ndiri wake;

anofamba-famba pakati pamaruva omubani.

Kusvikira zuva rabuda

uye mimvuri yatiza,

pinduka, mudiwa,

ubve waita semhara

kana tsvana

pamusoro pezvikomo.

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017. Copyright © 2005, 2018 Biblica, Inc. Licensed under CC BY-SA 4.0. “Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Source: eBible.org. Typeset from the source files; no intended changes to scripture wording. BibleKenya is not endorsed by the rights holder.

Full source notice & licence · CC BY-SA 4.0 · SourceEdition imported 2026-10-25.

BibleKenya

Reader settings

Theme
Font
Alignment
Reading width

Saved in this browser and used offline too. Press ? for keyboard shortcuts.