Skip to content
BibleKenya

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017

Mapisarema 95

Uyai, tiimbire Jehovha nomufaro;

ngatidanidzirei kuDombo roruponeso rwedu.

Ngatisvikei pamberi pake nokuvonga

uye timukudze nenziyo.

Nokuti Jehovha ndiye Mwari mukuru,

Mambo mukuru pamusoro pavamwari vose.

Nzvimbo dzakadzika dzapanyika dziri muruoko rwake,

uye misoro yamakomo ndeyake.

Gungwa nderake, nokuti ndiye akariita,

uye maoko ake akaumba nyika yakaoma.

Uyai tikotame, tinamate,

ngatipfugamei pamberi paJehovha Muiti wedu;

nokuti ndiye Mwari wedu,

uye isu tiri vanhu vanofudzwa naye,

makwai anochengetwa naye.

Nhasi kana muchinzwa inzwi rake,

musaomesa mwoyo yenyu sezvamakaita paMeribha,

sezvamakaita pazuva riya paMasa mugwenga,

pandakaedzwa namadzibaba enyu

kunyange vakanga vaona zvandakanga ndaita.

Ndakatsamwira rudzi urwu kwamakore makumi mana;

ndakati, “Ava vanhu vane mwoyo yakatsauka,

uye havana kuziva nzira dzangu.”

Saka ndakapika pakutsamwa kwangu ndikati,

“Havangazombopindi pazororo rangu.”

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017. Copyright © 2005, 2018 Biblica, Inc. Licensed under CC BY-SA 4.0. “Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Source: eBible.org. Typeset from the source files; no intended changes to scripture wording. BibleKenya is not endorsed by the rights holder.

Full source notice & licence · CC BY-SA 4.0 · SourceEdition imported 2026-10-25.

BibleKenya

Reader settings

Theme
Font
Alignment
Reading width

Saved in this browser and used offline too. Press ? for keyboard shortcuts.