Skip to content
BibleKenya

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017

Mapisarema 81

Kumutungamiri wokuimba. Namaimbirwo egititi. Pisarema raAsafi.

Imbirai Mwari nomufaro iye simba redu;

danidzirai kuna Mwari waJakobho!

Vambai rwiyo, muridze tambureni,

ridzai mbira dzinonakidza nomutengeranwa.

Ridzai runyanga rwehwai paKugara kwoMwedzi,

uye pakuchena kwomwedzi, pazuva roMutambo wedu;

ichi ndicho chirevo chaIsraeri,

chakatarwa naMwari waJakobho.

Akachisimbisa somutemo wakanyorwa waJosefa

panguva yaakandorwa neIjipiti,

uko kwatakanzwa mutauro watakanga tisinganzwisisi.

Iye anoti, “Ndakabvisa mutoro pamapfudzi avo;

maoko avo akasunungurwa padengu.

Pakutambudzika kwako wakadana ini ndikakununura,

ndakakupindura ndiri mugore rokutinhira;

ndakakuedza pamvura zhinji yeMeribha. Sera

“Inzwai, imi vanhu vangu, uye ndichakuyambirai,

kana mukada chete kunditeerera, imi Israeri!

Pakati penyu ngaparege kuva namwari wavatorwa,

musapfugamira mwari wokumwe.

Ndini Jehovha Mwari wako,

akakubudisa kubva munyika yeIjipiti.

Shamisa muromo wako kwazvo, ndigouzadza.

“Asi vanhu vangu havana kuda kundinzwa,

Israeri haana kuda kuzviisa pasi pangu.

Saka ndakavaregera paukukutu hwemwoyo yavo,

kuti vatevere mano avo.

“Kana vanhu vangu vakada kunditeerera,

kana Israeri akada kutevera nzira dzangu,

ndaikurumidza kukunda sei vavengi

vavo nokurova vavengi vavo noruoko rwangu!

Vaya vanovenga Jehovha vachatya pamberi pake,

uye kurangwa kwavo kuchagara nokusingaperi.

Asi imi muchagutswa nezviyo zvakaisvonaka;

uye ndichakugutsai nouchi hunobva padombo.”

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017. Copyright © 2005, 2018 Biblica, Inc. Licensed under CC BY-SA 4.0. “Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Source: eBible.org. Typeset from the source files; no intended changes to scripture wording. BibleKenya is not endorsed by the rights holder.

Full source notice & licence · CC BY-SA 4.0 · SourceEdition imported 2026-10-25.

BibleKenya

Reader settings

Theme
Font
Alignment
Reading width

Saved in this browser and used offline too. Press ? for keyboard shortcuts.