Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017
Mapisarema 79
Pisarema raAsafi.
Haiwa Mwari, ndudzi dzapinda panhaka yenyu;
vakasvibisa temberi yenyu tsvene,
Jerusarema varideredza rikava marara.
Vakapa mitumbi yavaranda venyu
sezvokudya zveshiri dzedenga,
nyama yavatsvene venyu kuzvikara zvenyika.
Vakateura ropa kunge mvura
paJerusarema rose,
uye hakuna munhu anoviga zvitunha.
Tiri chinhu chinoshorwa navatigere navo,
chinosekwa nechinozvidzwa kuna avo vakatipoteredza.
Haiwa Jehovha, mucharamba makatitsamwira nokusingaperi kusvikira riniko?
Godo renyu richapisa somoto kusvikira riniko?
Dururirai hasha dzenyu pamusoro pendudzi dzisingakuzive,
napaushe husingadani kuzita renyu;
nokuti vakapedza Jakobho
uye vakaparadza nyika yokwake.
Regai kuverengera pamusoro pedu zvivi zvamadzibaba;
tsitsi dzenyu ngadzikurumidze kuuya kuzosangana nesu,
nokuti tiri pakutambudzika.
Tibatsirei, imi Mwari Muponesi wedu,
nokuda kwokukudzwa kwezita renyu;
tirwirei mutiregerere zvivi zvedu
nokuda kwezita renyu.
Ndudzi dzichataurireiko dzichiti,
“Mwari wavo aripi?”
Zivisai pakati pendudzi, pamberi pedu,
kuti munotsiva ropa ravaranda venyu rakateurwa.
Kugomera kwavasungwa ngakusvike pamberi penyu;
nesimba roruoko rwenyu
chengetedzai avo vakatongerwa rufu.
Mutsive kanomwe pamabvi avavakidzani vedu,
kutuka kwavakaita zita renyu, imi Ishe.
Ipapo vanhu venyu, makwai amafuro enyu,
vachakurumbidzai nokusingaperi;
kubva kune chimwe chizvarwa kusvikira kune chimwe chizvarwa,
ticharondedzera nezvokurumbidzwa kwenyu.
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017. Copyright © 2005, 2018 Biblica, Inc. Licensed under CC BY-SA 4.0. “Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Source: eBible.org. Typeset from the source files; no intended changes to scripture wording. BibleKenya is not endorsed by the rights holder.
Full source notice & licence · CC BY-SA 4.0 · SourceEdition imported 2026-10-25.