Skip to content
BibleKenya

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017

Mapisarema 72

Pisarema raSoromoni.

Shongedzai Mambo nokururamisira kwenyu, imi Mwari,

mwanakomana wamambo nokururama kwenyu.

Achatonga vanhu venyu nokururama,

navanonetswa venyu nokururamisira.

Makomo achavigira vanhu kubudirira,

nezvikomo, chibereko chokururama.

Achadzivirira vanonetswa pakati pavanhu,

uye achaponesa vana vavanoshayiwa;

achapwanya mudzvinyiriri.

Achashinga sokuvapo kwezuva, sokuvapo kwomwedzi,

kusvikira kumarudzi ose anotevera,

achafanana nemvura inonaya pamunda une uswa hwakachekererwa,

seguti rinonyorovesa nyika.

Pamazuva ake vakarurama vachakura zvakanaka;

kubudirira kuchawanda kusvikira mwedzi waguma.

Achatonga kubva kugungwa kusvikira kugungwa,

uye kubva paRwizi kusvikira kumagumo enyika.

Marudzi omugwenga achapfugama pamberi pake,

uye vavengi vake vachananzva guruva.

Madzimambo eTashishi navari kumahombekombe ari kure

vachamuvigira mutero;

madzimambo eShebha neSebha

vachamupa zvipo.

Madzimambo ose achamupfugamira

uye ndudzi dzose dzichamushandira.

Nokuti acharwira vanoshayiwa vanodanidzira;

vanonetswa vasina anovabatsira.

Achanzwira ngoni vasina simba navanoshayiwa,

uye achaponesa vanoshayiwa kubva parufu.

Achavanunura pakudzvinyirirwa nokuitirwa zvinhu nechisimba,

nokuti ropa ravo rinokosha pamberi pake.

Iye ngaararame upenyu hurefu!

Goridhe rinobva kuShebha ngaripiwe kwaari.

Vanhu ngavarambe vachimunyengeterera

uye vamuropafadze zuva rose.

Zviyo ngazviwande munyika yose;

ngazvizengaire pamusoro pezvikomo.

Zvibereko zvazvo ngazvikure zvakanaka seRebhanoni;

ngazvibukire sebundo romusango.

Zita rake ngarigare nokusingaperi;

ngarirambe riripo sokuvapo kwezuva.

Ndudzi dzose dzicharopafadzwa kubudikidza naye,

uye vachamuti, ano mufaro.

Jehovha Mwari ngaarumbidzwe, Mwari waIsraeri,

iye oga anoita mabasa anoshamisa.

Zita rake rinobwinya ngarirumbidzwe nokusingaperi;

nyika yose ngaizadzwe nokubwinya kwake.

Ameni naAmeni.

Ndipo panoperera minyengetero yaDhavhidhi, mwanakomana waJese.

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017. Copyright © 2005, 2018 Biblica, Inc. Licensed under CC BY-SA 4.0. “Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Source: eBible.org. Typeset from the source files; no intended changes to scripture wording. BibleKenya is not endorsed by the rights holder.

Full source notice & licence · CC BY-SA 4.0 · SourceEdition imported 2026-10-25.

BibleKenya

Reader settings

Theme
Font
Alignment
Reading width

Saved in this browser and used offline too. Press ? for keyboard shortcuts.