Skip to content
BibleKenya

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017

Mapisarema 61

Kumutungamiri wokuimba, nomutengeranwa une hungiso. Pisarema raDhavhidhi.

Inzwai kuchema kwangu, imi Mwari;

rerekerai nzeve yenyu kumunyengetero wangu.

Kubva kumigumo yenyika, ndinodanidzira kwamuri,

ndinodana sezvo mwoyo wangu woziya;

nditungamirirei kudombo rakakwirira kundipfuura.

Nokuti imi makanga muri utiziro hwangu,

shongwe yakasimba pamusoro pavavengi vangu.

Ndinopanga kugara mutende renyu nokusingaperi,

uye nokuvanda mumumvuri wamapapiro enyu. Sera

Nokuti makanzwa mhiko dzangu, imi Mwari;

makandipa nhaka yaavo vanotya zita renyu.

Wedzerai mazuva oupenyu hwamambo,

makore ake kumarudzi namarudzi.

Ngaagare pachigaro choushe pamberi paMwari nokusingaperi;

gadzai rudo nokutendeka kwenyu kuti zvimudzivirire.

Ipapo ndichagara ndichirumbidza zita renyu nenziyo,

uye ndichazadzisa mhiko dzangu zuva nezuva.

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017. Copyright © 2005, 2018 Biblica, Inc. Licensed under CC BY-SA 4.0. “Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Source: eBible.org. Typeset from the source files; no intended changes to scripture wording. BibleKenya is not endorsed by the rights holder.

Full source notice & licence · CC BY-SA 4.0 · SourceEdition imported 2026-10-25.

BibleKenya

Reader settings

Theme
Font
Alignment
Reading width

Saved in this browser and used offline too. Press ? for keyboard shortcuts.