Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017
Mapisarema 48
Rwiyo. Pisarema raVanakomana vaKora.
Jehovha mukuru, uye anofanira kurumbidzwa kwazvo,
muguta raMwari wedu, mugomo rake dzvene.
Rakanaka pakukwirira kwaro, mufaro wenyika yose.
Sokumusoro-soro kweZafoni,
ndizvo zvakaita Gomo reZioni,
guta raMambo Mukuru.
Mwari ari munhare dzaro;
akazviratidza kwariri kuti ndiye nharirire yaro.
Madzimambo akati abatanidza mauto,
vakati vafamba pamwe chete kundorwa,
vakariona vakashamiswa;
vakatiza nokutya.
Vakabatwa nokudedera ipapo,
nokurwadziwa sekwomukadzi osununguka.
Makavaparadza sezvakaitwa zvikepe zveTashishi,
zvakaputswa-putswa nemhepo yokumabvazuva.
Sezvatakanzwa, ndizvo zvataona,
muguta raJehovha Wamasimba Ose,
muguta raMwari wedu:
Mwari anorisimbisa nokusingaperi. Sera
Tiri mukati metemberi yenyu, imi Mwari,
tinofungisisa nezvorudo rwenyu rusingaperi.
Sezvakaita zita renyu, imi Mwari,
kurumbidzwa kwenyu kunosvika kumagumo enyika;
ruoko rwenyu rworudyi ruzere nokururama.
Gomo reZioni rinofarisisa,
misha yeJudha inofara
nokuda kwokutonga kwenyu.
Famba-fambai muZioni, ripoteredzei,
verengai shongwe dzaro,
fungisisai zvakanaka nezvamasvingo aro,
cherechedzai nhare dzaro,
kuti mugotaura nezvazvo kuchizvarwa chinotevera.
Nokuti Mwari uyu ndiye Mwari wedu nokusingaperi-peri;
iye achava muperekedzi wedu kusvikira kumagumo.
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017. Copyright © 2005, 2018 Biblica, Inc. Licensed under CC BY-SA 4.0. “Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Source: eBible.org. Typeset from the source files; no intended changes to scripture wording. BibleKenya is not endorsed by the rights holder.
Full source notice & licence · CC BY-SA 4.0 · SourceEdition imported 2026-10-25.