Skip to content
BibleKenya

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017

Mapisarema 41

Kumutungamiri wokuimba. Pisarema raDhavhidhi.

Akaropafadzwa uyo ane hanya navasina simba;

Jehovha anomurwira panguva dzokutambudzika.

Jehovha achamudzivirira uye achachengetedza upenyu hwake;

achamuropafadza panyika

uye haangamuisi kuchido chavavengi vake.

Jehovha achamuraramisa panhoo yake yourwere

uye achamuponesa panhoo yake yourwere.

Ini ndakati, “Haiwa Jehovha, ndinzwirei ngoni;

ndiporesei, nokuti ndakakutadzirai.”

Vavengi vangu vachindigodora vanoti,

“Achafa riniko uye zita rake rigoparara?”

Kana mumwe achiuya kuzondiona,

anotaura zvenhema, mwoyo uchiunganidza makuhwa;

ipapo anobuda ondozviparadzira kumwe.

Vavengi vangu vose vanoita zevezeve pamwe chete pamusoro pangu;

vanondifungira zvakaipisisa, vachiti,

“Chirwere chakaipa chakamubata,

haachambomukizve panzvimbo paakarara.”

Kunyange neshamwari yangu yapedyo yandaivimba nayo,

yandaigovana zvokudya nayo,

yandisimudzira chitsitsinho chayo.

Asi imi, iyemi Jehovha, mune tsitsi neni,

ndisimudzei, kuti ndivatsive.

Ndinoziva kuti munofadzwa neni,

nokuti muvengi wangu haandikundi.

Munonditsigira pakutendeka kwangu,

uye munondiisa pamberi penyu nokusingaperi.

Kurumbidzwa ngakuve kuna Jehovha, Mwari waIsraeri,

kubva pakusingaperi kusvikira nokusingaperi.

Ameni naAmeni.

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017. Copyright © 2005, 2018 Biblica, Inc. Licensed under CC BY-SA 4.0. “Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Source: eBible.org. Typeset from the source files; no intended changes to scripture wording. BibleKenya is not endorsed by the rights holder.

Full source notice & licence · CC BY-SA 4.0 · SourceEdition imported 2026-10-25.

BibleKenya

Reader settings

Theme
Font
Alignment
Reading width

Saved in this browser and used offline too. Press ? for keyboard shortcuts.